Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voda Kuziva Hutano hwaVaMugabe naVaTsvangirai


Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai address a media conference in Harare, January 17, 2013.
Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai address a media conference in Harare, January 17, 2013.
Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri we Zanu PF, Va Robert Mugabe, pamwe nemutungamiri we MDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vari kutaurwa zvakanyanya pamusoro pehutano hwavo, nyanzvi munyaya dzehutano dzichitiwo zviri kuvaviri ava kuti vajekesere nyika kuti hutano hwavo hwakamira sei.

Vhidhiyo yakabuda mazuva apera ichiratidza VaMugabe vachisvika pachipatara ku Singapore yakakonzera kutaura kukuru.

Ukuwo vanhu vakawanda vari kutaura pamadandemutande nezvehutano hwaVa Tsvangirai mushure mekutadza kwavo kupinda misangano miviri yebato ravo.

Va Paul Chimhosva vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaChimhosva vanoti VaTsvangirai naVaMugabe vatungamiriri nokudaro vanhu vanoda kuziva kuti hutano hwavo hwakamira sei.

Nyaya yehutano hwaVaMugabe yakanyanya kunetsa mushure mekubuda kwemashoko anonzi akataurwa nevaimbova gavhuna webhanga guru renyika, Va Gideon Gono, kumumiriri we America mu Zimbabwe vachiti VaMugabe vaiva nechirwere chegomarara.

Hofisi yaVaMugabe inoti hutano hwavo hwakamira zvakanaka uye pavanoenda ku Asia vanenge vachinotariswa maziso avo nana chiremba ku Singapore.

Asi kutadza kwaVaMugabe kunoviga Brigadier General John Zingoni, uye kukanzurwa kwakaitwa musangano we politburo vasipo, kwakakonzerazve kuti vanhu vataure taure pamusoro pehutano hwavo.

Va Joy Mabenge vanoshanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition uye vachiongorora zvematongerwo enyika.

VaMabenge vanoti hutano hwemutungamiri wenyika haufanire kuvigwa.
Va Chimhosva vanotiwo Zanu PF naVaMugabe vanomhura vanhu nekusavaudza chokwadi pamusoro pehutano hwemutungamiriri wenyika.

VaChimhosva vanotiwo VaTsvangirai nevamwe vavo havana chavadzidza kubva ku Zanu PF mukubata kwavari kuita nyaya yehutano hwemutunagimiri wenyika.

Asi VaMabengee vanoti Va Tsvangirai vakasiyana naVa Mugabe nekuti havazi mutungamiri wenyika saka nyaya yehutano hwavo haifaniri kunetsa zvakanyanya.

Sachigaro we Zimbabwe Association for Doctors for Human Rights, Dr Rutendo Bonde, vanoti nyaya yehutano inyaya iri pakati pemurwere nachiremba wake kunyange vari vatungamiriri.

Va Chimhosva vanoti chinonetsa mu Zimbabwe ndechekuti Va Mugabe ndivo vakabata matomu zvese mu Zanu PF nemunyika, naizvovo vanhu vanofanira kuziva kuti hutano hwavo huri sei. Vanoti zvimwe chetezvo neMDC nekuti pakurwara kwaVa Tsvangirai, bato ravo rinorwarawo.

Imwe nyaya yakatanga kunetsa neChina ndeyemukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, avo vakafenda ndokubva vadonha vari pahurongwa hwemapurisa apedza kudzidzira basa rechipurisa pa Morris Depot.

Vakawanda vachiri kutaura nezvechiitiko ichi, vamwe vachiti VaChihuri ngavachienda pamudyandigire.

Hapana chinoratidza kuti mahosifi aVa Tsvangirai naVaMugabe angangochinja mabatiro aari kuita nyaya dzehutano hwavo, izvo zvava kupa kuti vanhu vaite pamadiro mukurukura nyaya dzavo pamadandemutande nemumabhawa sezvo vanenge vasina mashoko echokwadi.
Nyaya Ina Sandra Nyaira
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG