Thursday, October 02, 2014 Local time: 08:23

Nhau / Africa

VaMugabe Vanovhura Paramende Vachikurudzira Runyararo Munyika

Mutungamiri wenyika, VaRobert MugabeMutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
x
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Irwin Chifera
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varamba vakaomesa musoro wavo panyaya yesarudzo vachiti sarudzo dzichaitwa muna kurume gore rinouya pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura apo vange vari kuvhura chikamu chekupedzesera cheparamende yechinomwe, VaMugabe vati chinangwa chikuru chehurumende pari zvino ndechekuona kuti sarudzo dzaitwa. VaMugabe vati sarudzo idzi dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.

Vatiwo  vemapato ematongerwe enyika pamwe nevatori venhau vanofanirwa kuita zvose zvavanokwanisa kuitira kuti sarudzo dziitwe murunyararo gore rinouya.

Asi mashoko aVa Mugabe anopikisana neemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo  vakazivisa neMuvhuro kuti  ivo naVaMugabe havasati vawirirana pamazuva esarudzo.

VaMugabe vakurudzirawo  komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC,  kuti  inyore gwaro rayo rezvakabuda mumusangano weSecond All Stakeholders Conference kuitira kuti ivo sevatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa, vaone zvavangaite nebumbiro iri.

Gwaro rebumbiro idzva richazeiwa neparamende pasati paitwa  referendamu.  VaMugabe vati mamwe mabhiri achazeiwa neparamende anosanganisira  bhiri rekuvandudza mashandiro ehofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, Attorney Generals Ammendment Bill, pamwe nerehomwe yekubatsira matunhu, Constituency Development Fund.

VaMugabe vatiwo zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe zvinofanirwa kubviswa sezvo zviri kuvhiringa hupfumi hwenyika.

Zvichakadai,  dare reparamende richatanga kugara zvakare musi wa15 Mbudzi, apo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachatura bhajeti regore rinouya musi uyu.

You May Like

Kubva kwaVaMugabe paChigaro Kwotarisirwa Kukonzera Nyonga Nyonga

Gwaro raburitswa nemasangano maviri anoti reReseach and Advocacy Unit neZimbabwe Human Rights NGO Forum riri kuti munyika muchaita kusagadzikana kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakayera vasiya chigaro nekuti hazvina kujeka kuti ndiyani anotora chigaro chavo kana pachitariswa bumbiro remutemo wenyika uye rebato ravo reZanu-PF. Onai zvimwe

Vamwe Vagari Vopika Kuti Dzimba Dzavo Hadziputswe muGlen Norah

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mumusha weGlen Norah muHarare, umo munonzi vagari vabatira zvombo vashandi vekanzuru vanonzi vari kuda kuputsa dzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo Onai zvimwe

VaMugabe naVaChihuri Vokurudzirwa Kumisa Kupwanywa kweDzimba

Va Moyo vati Va Mugabe vanosungirwa kuti vachengetedze bumbiro remitemo yenyika iro rinopa chizvarwa chese chenyika kodzero yekuva nepekugara. Onai zvimwe

Chirongwa cheZimbabwe Special Permits Chotanga muSouth Africa

Chirongwa cheZimbabwe Special Permit chekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinyorese kuti zvipihwe magwaro chatanga neChitatu mu South Africa. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook