Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopotsa Vadonha Zvakare kuIndia


Vhidhiyo inoratidza VaMugabe vachipotsa vadonha
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:13 0:00

Vhidhiyo inoratidza VaMugabe vachipotsa vadonha

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapotsa vadona neChina kumusangano wekusimbisa hukama pakati peIndia nenyika dzemu Africa we India-Africa Summit.

VaMugabe vatozobatsirwa nevanhu vanosanganisira mutungamiri wehurmende yeIndia, VaNarendra Modi, kuitira kuti vasadonhe.

VaMugabe vanga vakananga kuna VaModi kunovakwazisa apo vapotsa vadona pamberi pevamwe vatungamiri vemu Africa vari kupinda mumusangano uyu.

Pavanga vava kubva pana VaModi, vapedza kuchingamidzwa, VaMugabe vabatsirwa zvakare nevanhu kuitira kuti vatsike pasi zvakanaka sezvo vanga vachiratidza kunge vari kunetseka kubva pana VaModi kuti vanogara pachigaro chavo.

VaMugabe vakambodonha zvakare muna Kukadzi panhandare yeHarare International Airport vachibva kumusangano wakaitirwa kuEthiopia.

VaMugabe, avo vava nemakore ekuberekwa makumi mapfumbamwe nerimwe, vanga vachiita semunhu akangoneta neta, izvo zvinonzi nevamwe mucherechedzo mukuru wekuti vakura vava kufanirwa kuenda pamudyandigere.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paHuddersfield University kuBritain, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti zvava pachena kuti VaMugabe vachembera uye yava nguva yekuti vasiye basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG