Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti America neEuropean Union Dzinoda Kuti Vasatungamire Zimbabwe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vatuka America nenyika dzemubatanidzwa we European Union vachiti dziri kuramba dzakaisa zvirango paZimbabwe senzira yekuwomesera vana ve Zimbabwe kuti vabvise hurumende yavo muhofisi.

Vachitaura mumusangano we General Assembly mu New York neChina, Va Mugabe vati America ne Eropean Union dziri kuramba dzichichengeta zvirango zvadzakatemera ivo VaMugabe nevamwe vavo muhurumende nekuti dziri kuda kuchinja hurumende ye Zimbabwe vachiisa munhu wavanoda kuti atungamire nyika.

Va Mugabe vati Zimbabwe inyika ine runyarararo naizvozvo America ne European Union dzinofanirwa kutsvaga hukama hutsva nehurumende yavo.

Vati zvirango izvi zvizere nehutsinye uye zvinotyora mutemo we United Nations naizvozvo vati zvinofanirwa kubviswa nekukasika.

VaMugabe vati United Nations inofanira kutsigira nyaya yerunyararo pasi rose uye kubatsira nyika dzemu Africa mukuchengetedza runyararo munyika dzine mhirizhonga dzakaita se South Sudan ne Democratic Republic of Congo. Vatiwo nyika dzakabudirira dzinofanirwawo kubatsira panyaya iyi.

VaMugabe vashora nyika dzakabudirira vachiti dzakatadza kugadzirisa nekukasika nyaya ye Palestine ne Israel mwedzi yapera umo Israel yakauraya vanhu vazhinji munyika iyi muhondo yakapera mwedzi wapera.

VaMugabe vari mu New York kumusangano wepagore weUnited Nations General Assembly. Musangano uyu uri kupindwa nevatungamiri venyika dzinodarika zana nemakumi mana.

Kunyange hazvo VaMugabe vachiri pazvirango zvavakatemerwa neAmerica, vanokwanisa kupinda munyika iyi kana United Nations ichiita musangano wayo wevatungamiri venyika.

Asi VaMugabe havabvumirwe kuenda nzvimbo dziri kure neNew York sezvo vasingabvumidzwe kunge vari munzvimbo dziri kunze kwemamaira makumi mana kubva panhandare yendege yavakasvikira.

XS
SM
MD
LG