Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Votuka Amai Mujuru naVaTsvangirai


WARRING: First Lady Grace Mugabe and Vice President Joyce Mujuru (Collage by Ntungamili Nkomo)
WARRING: First Lady Grace Mugabe and Vice President Joyce Mujuru (Collage by Ntungamili Nkomo)

Mudzimai wemutungamiri wenyika varivo zvakare munyori mukuru muboka remadzimai mu Zanu PF, Amai Grace Mugabe, vatsvinyira zvakare vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vakashoropodza zvakare mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatsigiri vebato ravo ku Binga neChina, Amai Mugabe vashora Amai Mujuru vakavafanaidza nechimututangoro.

Vati Amai Mujuru munhu aida kutora masimba kubva kuna Va Mugabe vasingatevedzere bumbiro remitemo asi zvakakona.

Vati havasi kuda kunzwa zvezvipoka-zvipoka muZanu PF zvavanoti zvave kutanga zvakare mubato iri.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raAmai Mujuru sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadai, Amai Mugabe vashora Va Tsvangirai vachiti munhu anoda masimba zvikuru ivo vasingashandire vanhu vachiti Va Mugabe mutungamiri akasarudzwa na Mwari kuti atungamire nyika.

Amai Mugabe vati murume wavo achatonga Zimbabwe kusvika madhongi amera nyanga.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vaudza Studio7 kuti Va Mugabe munhu asina hany’a neruzhinji rweZimbabwe ndosaka vachirambira pachigaro chehutungamiriri hwenyika.

Amai Mugabe, avo vagovera chikafu kuvagari vekuBinga, vasvora masangano anoshanda akazvimirira vachiti haasi kubatsira vanhu munguva yekutambudzika vachiti masangano aya anozoda kutanga kuita basa munguva dzesarudzo.

Amai Mugabe vagoverawo vanhu mbatya dzavati dzakapambwa kumiganhu yenyika dzaida kupinzwa nevanhu vanotengesa kuti vazotengesera vanhu.

Amai Mugabe vasvora nyika dzekumavirira nekupopota kwadziri kuita mekuuraiwa kwakaitwa shumba yaive nemukurumbira muyika yaizivikanwa nezita rekuti Cecil.

Zvichakadai, Amai Mugabe vakumbira vagari vekuBinga kuti vavhotere Zanu PF musarudzo dzemuna 2018 vachiti hapana chavanopihwa nemapato anopikisa Zanu PF.

Kubva pakavambwa MDC muna 1999, Zanu PF haisati yambokunda musarudzo dzeparamende kuBinga.

XS
SM
MD
LG