Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Varimi Vatsva Mvumo yeKuita Minda Chibatiso kuMabhanga


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparura neChitatu magwaro matsva anopa varimi vatsva mukana wekuti vakwanise kukwereta mari kumabhanga.

Izvi zvaitirwa ku Makonde mudunhu re Mashonaland West.

Tsamba dzaparurwa nemutungamiri wenyika idzi dziri kudaidzwa kuti ma permits dzave kuratidza kuti varimi vakagariswa patsva pasi pechirongwa che A1 Model ndivo vave varidzi vevhu zvichisiyana netsamba dzavakapihwa nana mudzviti kana kuti ma offer letters ayo anga achirambwa nevemabhanga kana varimi vachida kukwereta mari.

Vachitaura pachirongwa ichi VaMugabe vayambira makurukota nemadzishe kuti vanogona kutorerwa minda iyi kana vakatadza kuishandisa. Vayambirawo veruzhinji kuti minda yavakapihwa haisi yekurojesa vachena kuti vaishandise vachibhadhara mari kuvarimi vatema vakapihwa minda nehurumende.

Mumwe murimi akapihwa munda pasi pechirongwa chekugoverwa ivhu patsva, Va James Mugoni, avo vanorima vari ku Zowa munharaunda ye Chegutu, vanoti vafara zvikuru nezvaitwa nehurumende izvi.

Asi Va Mugoni vanoti hurumende inofanira kuita nhaurirano nevemabhanga kuitira kuti varimi vakwanise kuwana zvikwereti kubva kumabhanga aya

Kubva pakatanga chirongwa chekugovera vanhu ivhu patsva, varimi vatsva vanga vachirambirwa nevemabhanga kutora zvikwereti vemabhanga vachiti hazvikanisike kuti varimi vashandise ma offer letters aya kutora zvikwereti.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG