Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Votsigira VaMnangagwa Vachishora Amai Mujuru


Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena neChina kuti vari kutsigira chikwata chiri kutangamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Vachitaura pamusangano wavaita nevaimbova varwiri muhondo yechimurenga kupurazi ravo kuMazowe, Amai Mugabe vataura vachisvotesa vari kufamba vachiti Amai Mugabe vari kuda chigaro chemutungamiri vachiti vakazvipira kutungamira nyika kana mutungamiri wenyika, uye ari murume wavo, Va Robert Mugabe, vabva pachigaro.

Amai Mugabe, avo vaiwanzotaura mashoko ekutsoropodza aifungidzirwa kuti akanangana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kubva pavakapinda munyaya dzezvematongerwo enyika masvondo mashoma adarika, varova panhongonya paAmai Mujuru vachivadoma nezita.

Amai Mugabe vakurudzira Amai Mujuru kuti vasiye chigaro chavo vachivapomera mhosva yekuda kubvisa Va Mugabe pachigaro.

Vamwe vanoongora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti Amai Mugabe munhu vabuda pachena kuti vari kutsigira chikwata chaVaMnangagwa.

Kutsigira Va Mnangagwa uku kwabuda pachena nhasi sezvo Amai Mugabe vatora nguva yakareba vachisvora Amai Mujuru vakazopedzisira nekupembedza Va Mnangagwa.

Amai Mugabe vatorawo mukana uyu kutsoropodza mukuru wemauto, Va Constantine Chiwenga, vachiti vari kuda kuvauraya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChiwenga panyaya iyi.

Zvichakadai, mumwe mutsigiri we Zanu PF, Muzvare Fungai Dzvairo vemu Harare, vanoti havasi kufara nezviri kuitwa naAmai Mugabe kuna Amai Mujuru. Vati Amai Mujuru ndivo vanotove munhu akakodzera kuti atsive Va Mugabe kana vabva pamasimba.

Muzvare Dzvairo vakurudzira Amai Mujuru kuti varambe vakatsungirira kusvika kongiresi ye Zanu PF yaitwa vachiti vari kuvatsigira zvakakomba.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano re Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vati mashoko emudzimai wemutungamiri wenyika anoratidza kuti havasiri ivo vari kuda kuzotora matomhu asi kuti vari kukurira Va Mnangagwa nzira vachiti vanowona sekuti Va Mnangagwa ndivo vari kuda kusiirwa nyanga naVa Mugabe.

Asi svondo rapera Amai Mugabe vakati vari kupinda munyaya dzezvematoingerwo enyika saAmai venyika vasingatore mativi.

Vakatombotaurawo kuti kune vamwe vari kuda kuvashandisa asi vakati havasi kuzoshandiswa nemunhu.

Asi zvava pachena kuti Amai Mugabe vari kutora mativi pamakakatanwa ari muZanu PF. VaMugabe havasati vambotaura kana kuto bufu pamashoko ari kutaurwa nemudzimai wavo.

Politiburo yeZanu PF iri kusangana mangwana apo iri kutarisirwa kuzeya zvakawanda zvinosanganisira mashoko ari kutaurwa naAmai Mugabe.

Pachaitwa kongiresi ye Zanu PF muna Zvita, Amai Mugabe vakatarisirwa kutambirwa kuti vatungamire boka remadzimai mubato iri uye kusarudzwa uku kunoreva kuti vachange vachigara mukomiti yepamusoro mubato iri ye Politburo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG