Tuesday, October 21, 2014 Local time: 19:54

Nhau / USA

Mtukudzi Otekenya Magitare muWashington DC neChishanu

x
Violet Gonda
Muimbi ane mukurumbira munyika,  Oliver Mtukudzi, ari kuridza mimhanzi yake mu Washington DC muAmerica nemusi weChishanu.

Mtukudzi ari kuuya ku America aine chimbo chitsva chanetsa mazuva ano chinonzi Matitsvata.

Mtukudzi, uyo akaita hurukuro nekambani yenhau yeCNN mukupera kwesvondo, anoti haasi kurwara nezviri kufungidzirwa nevanhu kuti ane HIV/AIDS.

Mtukudzi akaudza CNN kuti akatanga kushanda munyaya dze HIV/AIDS mushure mekurasikirwa nehama neshamwari, kusanganisira mukoma wake, pamwe nevanhu vaaishanda navo.

Maneja waMtukudzi,VaSam Mataure, vanoti Mtukudzi achashanyira zvakare nzvimbo dzakaita seNew York, Boston ne Philadelphia.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one
  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Ndebele
    30 min

    Ndebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook