Accessibility links

Breaking News

VaReport Phelekezela Mphoko Vanoitwa Mutevedzeri weChipiri waVaMugabe


Kunyange hazvo veruzhinji muHarare vachiti havana ruzivo rwakanyaya pamusoro pemumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wenyika vadomwa, VaReport Phelekezela Mphoko, ongororo yataita inoratidza kuti VaMphoko igamba rehondo yerusunungujo uye vakashanda muhurumende kwenguva yakareba vachimirira Zimbabwe kunyika dzakasiyana siyana.

Vaimbova kanzura muHarare, VaWarship Dumba, vanoti havana chavanoziva pamusoro paVaMphoko uye vakatanga kunzwa nezvavo painge pave kuda kuitwa kongiresi yebato reZanu PF.

VaWashington Ngirazi vekuMbare vanotiwo hapana zvavanoziva kunze kwenguti vaimbomirira Zimbabwe kunze kwenyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vanotiwo ndezvechokwadi kuti veruzhinji havana ruzivo ruzhinji pamusoro paVaMphoko uye zvakakosha kuti vazivikanwe neveruzhinji.

Asi vanoti vane chivimbo chekuti vachaita basa ravo nemazvo sezvo vadoma nemutungamiriri wenyika. VaZhangazha vanotiwo chimwe chinofanira kuziva VaMphoko ndechekuti VaMugabe havapikiswe uye vanogona kusiya basa zvakaita vaimbove mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joice Mujuru, kana vakada kukura musoro.

Vanodzidzisa zvidzidzo zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, Amai Charity Manyeruke, vanotiwo vanhu havangazive vanhu vese vakaenda kuhondo uye chakakosha ndechekuti VaMphoko igamba rehondo.

Vanotiwo VaMphoko inhengo yeZanu pF yakavimbika ndosaka vasarudzwa nemutungamiriri wenyika.

VaMphoko ndemumwe weavo vaitungamira mauto eZimbamwe People’s Revolutionary Army kana kuti ZIPRA uye vakambomirira ZAPU kuMozambigue Zimbabwe isati yawana kuzvitonga.

Vari ikoko vakashanda nedzimwe nhengo dzebato reAfrican National Congress yeSouth Africa dzakaita semutungamiriri wenyika iyi, VaJacob Zuma.

VaTjenesani Ntungakwa avo vanoongorora mashaindiro aiita bato reZAPU vanotiwo VaMphoko munhu aive nechinzvimbo chikuru munguva yehondo.

VaMphoko vakambomirira Zimbabwe kunyika dzakaita seRussia uye vange vachimirira nyika kuSouth Africa kubva muna 2011 kusvika pavakasiya basa mwedzi mishonana yapfuura.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG