Accessibility links

Breaking News

Vanyori Vochema neMari Shoma Yavari Kuwana Kubva kuMabhuku Avakanyora


Zimbabwe International Book Fair. (Photo: ZIBF)
Zimbabwe International Book Fair. (Photo: ZIBF)

Vanyori vemabhuku munyika vanoti vave kuyaura nenhamo sezvo makambani anodhinda mabhuku asisavabhadhare mari dzemabhuku sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Ukuwo vanodhinda mabhuku vanoti havana mari yavari kuwana sezvo mabhuku aya ava kutsikiswa zviri kunze kwemutemo pamwe nekutengeswa pamusika zvisiri pamutemo.

Vachitaura pamusangano waitwa pazviratidzwa zveZimbabwe International Book Fair yegore rino izvo zviri kuitwa muHarare, mumwe muyori ane mukurumbgira munyika, VaAaron Chiwundura Moyo, avo vakanyora mabhuku anodarika gumi, vanoti hapana mari yakawanda yavari kuwana kubva kumabhuku avo avakanyora ayo ari kushandiswa muzvikoro.

VaChiundura Moyo vati vanyori vari kugara makore akawanda vasina chavari kuwana sezvo vanodhindisa mabhuku vari kuti mabhuku aya haasi kutengwa.

Vatiwo kunyange hazvo pane vamwe vari kuita zvekudhinda nekutengesa mabhuku zviri kunze kwemutemo, vanofunga kuti ivowo vanodhinda mabhuku vave kushanda nevanhu vanotengesa mabhuku zviri kunze kwemutemo izvo zvave kuita kuti vanyori vasabhadharwe.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vanyori munyika, reZimbabwe Writers Association, VaMemory Chirere, vanoti kunyange hazvo munyori akabhadharwa mari yaanofanirwa kubhadharwa panotengeswa mabhuku ake, mari iyi ishoma uye chave kudiwa kuti mabhuku atangeswe akawanda kuti vanyori vawanewo cheuviri.

Mumwewo munyori, Viriginia Phiri, ati anobvumirana naVaChirere achiti mabhuku anofanira kudhindwa nekutengeswa akawanda vachiti.

Phiri anoti pari zvino mabhuku ari kudhidndwa ari mashona izvo zvinopa mukana kune vanhu vanodhinda mabhuku zviri kunze kwemutemo.

Asi sachigaro wesangano rinomirira makambani anodhinda mabhuku reZimbabwe Book Publishers Association, VaBlazio Tafireyi, vati sangano ravo riri kushushikana zvikuru nekudhindwa nekutengeswa kwemabhuku zviri kunze kwemutemo.

Vati gore rino chete pakatosungwa vanhu gumi nevapfumbamwe uye gumi nevashanu vakabatwa nemhosva.

Asi vati chinorwadza ndechekuti vanhu ava vakapihwa mutongo uri pasi pasi wakaita sekubhadhariswa faindi yemadhora zana kana kunzi vashande munharaunda kana kuti community service.

VaTafireyi vatiwo vazhinji vevanhu ava vave kutoita basa ravo rekudhinda mabhuku zviri kunze kwemutemo zvekare muishure mekubhadhariswa faindi.

Vati izvi kufotokopwa kwemabhuku kunoita kuti vatadze kubhadhara vanyori pabasa ravenenge vaita.

Vatiwo zvikoro zvizhinji zvave kutenga michina yekudhinda mabhuku zviri kunze kwemutemo uye hurumende inofanira kuenderera mberi nenyaya yekubvisa vanhu vanotengesa zvinhu mumigwagwa kuitira kuti mabhuku atengeswe muzvitoro kuti vanyori vagobadharwa.

Asi vamwe vapinda mumusangano uyu vati panofanira kutsvagwa nzira dzekuti vanhu vanoita izvi vangabhadhariswe sei kuti vanyori vakwanise kuwanawo mugove wavo kubva kwavari.

Semuenzaniso vamwe vati kuKenya makambani ese anofotokopa mabhuku evamwe ave kubhadhairiswa mutero uye vanyori vanobhadharwa mari dzavo kubva pamutero uyu

XS
SM
MD
LG