Mugovera, Kukadzi 06, 2016 Local time: 15:20

    Nhau / Africa

    Nharembozha Dzoshandiswa Kufambisa Mari Mumabhanga

    Highly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment ProgramHighly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment Program
    x
    Highly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment Program
    Highly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment Program
    Irwin Chifera
    Kambani yembozhanhare, yeEconet Wireless, yabatana neChitatu nebhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, pachirongwa chayo chekutumira mari pachishandiswa mbozhanhare, che Eco cash.

    Izvo  zvichaita kuti vanhu vanoshandisa bhanga iri vakwanise kutora mari kana kubhadhara mabhiri avo  kana kutambira mihoro yavo vachishandisa  mbozhanhare vasina kana kuisa gumbo ravo mubhanga.

    Econet inoti izvi zvichicharerutsira veruzhinji sezvo vanenge vave kukwanisa kutumira mari, kuendesa mari kubhanga kana kuita zvese zvavanoda vasina kuenda kubhanga kana kuzvitoro nedzimwe zvimbo dzange dzakatarwa neEconet.

    Mukuru weEconet Services, VaDarlington Mandivenga, vanoti chirongwa ichi chichapedza matambudziko ekumira mumitsetse.

    Mukuru wekambani yeEconet , VaDouglas Mboweni, vati chirongwa ichi chakanaka chose uye avo vane mbozhanhare dzinokwanisa kufona kubva kune dzimwe nyika kana kuti dzinenge dziri pa roaming vanokwanisawo kutumira mari kubva kunzvimbi idzi.

    VaMboweni vati  kunyange hazvo vatanga neCBZ, vanoda kuti mabhanga ese apinde muchirongwa ichi kuitira kuti vanhu vese munyika vakawanise kushandisa mukana uyu.

    VaCollin Chimutsa, avo vange vakamirira mukuru weCBZ Holdings, VaJohn Mangudya, vatenda mushandirapamwe wavo neEconet vachiti uchaita kuti bhanga ravo rikwanise kusvika kune vanhu vakawanda munzvimbo zhinji munyika.

    You May Like

    Hurumende Inotara Nzara seDambudziko Rakakurisisa Munyika

    Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa. Onai zvimwe

    Vhidhiyo VOA60 Africa - S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine

    S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine Onai zvimwe

    Mabhanga Maviri muZimbabwe Anobviswa paZvirango Zvakatemerwa neAmerica

    Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Rooftop Yovaka Muzinda weChizvinozvino Munyaya dzeMitambo

    Mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

    • Live Talk
      30 min

      Live Talk

      Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

    • Nhau dzeShona
      30 min

      Nhau dzeShona

      Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

    Facebook