Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Havana Daka naAmai Mujuru


Vachangodomwa semutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vachashanda zvakasimba muhurumende mukuona kuti zvinhu zvagadziriswa munyaya dzehupfumi.

VaMnangagwa, avo vava nemakore makumi matanhatu nemasere ekuberekwa, vanoti shungu dzavo ndedzekuda kushandira nyika, iyo vakarwira muhondo yerusununguko.

Vanoti muhupenyu hwavo hwese havana kumboshandira murungu uye vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Kunyange hazvo vamwe vachiti panga paine ropa rakaipa pakati pavo nevakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, VaMnangagwa vanoti ivo naAmai Mujuru vanotaura vose zvakanaka chose.

Vanotiwo Amai Mujuru vakauya kuhondo vari mwana mudiki, vakavaona vachikura munguva yehondo kusvika vasvika pavari zvino.

Panyaya dziri kupomerwa Amai Mujuru, VaMnangagwa vanoti havagoni kutaura nezvenyaya idzi vachiti Amai Mujuru chete ndivo vanokwanisa kutaura pamusoro pezvavari kupomerwa.

VaMnangagwa, avo vanozivikanwa nerekuti Ngwena, vakaberekwa kuZvishavane kuMidlands muna 1949. Vakadzidzira zvehondo kuChina muna 1963 vakapedzawo zvidzidzo zvehugetwa kuZambia muna 1974.

Vakatanga zvematongerwo enyika mubato reZimbabwe African People's Union pasati patangwa bato reZanu PF muna 1963.

VaMnangagwa vakashanda vari pedyo naVaMugabe, kuhondo uyewo kubvira pakawana nyika rusununguko muna 1980.

Vashanda muhurumende segurukota rinoona nezvevasori, vakamboitwa gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, gurukota rezvemitemo nemamwe mapazi.

Vakabatawo zvigaro zvakasiyana siyana muZanu PF kubva muna 1980 kusvika pari zvino apo vane chigaro chemunyori anoona nezvemutemo mubato iri.

Muna 2000 VaMnangagwa vakakundwa musarudzo dzemumiriri weKwekwe muparamende naVaBlessing Chebundo ve MDC. Mushure mekukundwa, VaMugabe vakakumbira vamwe vavo kuti vadome VaMnangagwa semutauriri weparamende.

Asi nhengo dzeZanu PF dzakaramba sezvo VaMnangagwa ari munhu agara hake asina rutsigiro rweveruzhinji muZanu PF.

Asi VaMugabe vakazoshandisa masimba avo vachityisidzira nhengo dzeparamende dzeZanu PF dzakanga dzasarudzwa kuti vanogona kuvhara paramende kana Zanu PF ikasatsigira VaMnangagwa kuti vave mutauriri weparamende.

VaMugabe vakaudza nhengo dzeZanu PF idzi kuti havangarase mumwe wavo nekuti akundwa neMDC. Mushure mekuvhundutsirwa naVaMugabe, nhengo dzeZanu PF mudare reparamende dzakabvuma kuvhotera VaMnangagwa.

Zvichitevera kushandura kwebumbiro reZanu PF nenzira iri kupikiswa nevamwe mubato, VaMugabe ndivo vakadoma neChipiri vatevedzeri vavo vaviri, mumwe wacho ari VaReport Phelekezela Mphoko.

Hurukuro naVaEmmerson Mnangagwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG