Accessibility links

Breaking News

Mnangagwa Uyu Ndiyani Chaizvo?


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda vari kutevera zviri kuitika muZanu PF vanoti sezvo makakatanwa anga ari mubato iri ari kuratidza kunge apera, maziso avo ava pagurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kumutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Vanhu ava vanoti kufumurwa kwakaitwa Amai Mujuru nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, svondo rino kunoratidza kuti Amai Mujuru nechikwata chavo chinonzi changa chichivatsigira kuti vazotore masimba kana VaMugabe vasiya basa, havachina rakajeka muZanu PF.

Izvi zvinonzi nenyanzvi dzematongerwo enyika zvinosiya VaMnangagwa vari vega nechikwata chavo chinonzi chiri kuvatsigira kuti vatore masimba.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, vanoti VaMnangagwa munhu anokudza VaMugabe uye munhu anoonekwa sekunge asingadi kushanda nevanonzi vavengi venyika, zvinhu zvinodiwa naVaMugabe.

VaRuhanya vanoti VaMnangagwa vanotoonekwa semwana naVaMugabe uye vanoti hapana musiyano pakati pevarume vaviri ava pamaitiro avo.

Vamwe vanotiwo VaMnangagwa munhu anotyiwa zvikuru neveruzhinji uye vanofanira kuzvichenura zvikuru tikatarisa kuurayiwa kwakaitwa vanhu vakawanda kumatunhu eMatabeleland ne Midlands panguva yeGukurahundi.

Munguva iyi VaMnangagwa ndivo vaive gurukota raiona nezvevasori, iro raikokera mabasa ekusora pane zvose zvaitika mumhirizhonga yenguva yeGukurahundi.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, VaBlessing Vava, vanotiwo nyaya yekuGurukurahundi nedzimwe inyaya dzinosvibisa zita raVaMnangagwa.

VaVava vanoti VaMnangagwa vakaita rombo rakanaka rekuitwa mumwe wevatevedzeri vaviri vemutungamiri webato, kanawo kuzoita mutungamiri wenyika mune remangwana, vanofanira kutsvaga nzira dzekuzvichenura kana zvavanopomerwa ari manyepo.

Vari kuita ongororo yezvemapato akarwira rusununguko rwenyika, VaTjenesani Ntungagwa, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vakaenda kuhondo vakasviba zvekuti havakodzeri kupihwa chigaro chepamusoro soro mubato iri.

Asi VaRuhanya vanoti nyaya yeGukurahundi handi yaVaMnangagwa chete asi kuti ndeye vanhu vese vaive muhurumende panguva iyoyo kusanganisira VaMugabe naAmai Mujuru.

VaRuhanya navaVava vanoti VaMnangagwa munhu agara chose muZanu PF uye munhu anonzwana naVaMugabe kunyange hazvo vakambotosvorana muna 2004 apo VaMnangagwa vanonzi vakamboedza kuda kutora masimba vachishanda nechipangamazano chavo, VaJonathan Moyo, avo vaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko panguva iyi.

VaMnangagwa, avo vanozivikanwa nerekuti Ngwena, vakaberekwa kuZvishavane kuMidlands muna 1949. Vakadzidzira zvehondo kuChina muna 1963 vakapedzawo zvidzidzo zvehugetwa kuZambia muna 1974.

Vakatanga zvematongerwo enyika mubato reZimbabwe African People's Union pasati patangwa bato reZanu PF muna 1963.

VaMnangagwa vakashanda vari pedyo naVaMugabe, kuhondo uyewo kubvira pakawana nyika rusununguko muna 1980.

Vashanda muhurumende segurukota rinoona nezvevasori, vakamboitwa gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, gurukota rezvemitemo nemamwe mapazi.

Vakabatawo zvigaro zvakasiyana siyana muZanu PF kubva muna 1980 kusvika pari zvino apo vane chigaro chemunyori anoona nezvemutemo mubato iri.

Muna 2000 VaMnangagwa vakakundwa musarudzo dzemumiriri weKwekwe muparamende naVaBlessing Chebundo ve MDC. Mushure mekukundwa, VaMugabe vakakumbira vamwe vavo kuti vadome VaMnangagwa semutauriri weparamende.

Asi nhengo dzeZanu PF dzakaramba sezvo VaMnangagwa ari munhu agara hake asina rutsigiro rweveruzhinji muZanu PF.

Asi VaMugabe vakazoshandisa masimba avo vachityisidzira nhengo dzeparamende dzeZanu PF dzakanga dzasarudzwa kuti vanogona kuvhara paramende kana Zanu PF ikasatsigira VaMnangagwa kuti vave mutauriri weparamende.

VaMugabe vakaudza nhengo dzeZanu PF idzi kuti havangarase mumwe wavo nekuti akundwa neMDC. Mushure mekuvhundutsirwa naVaMugabe, nhengo dzeZanu PF mudare reparamende dzakabvuma kuvhotera VaMnangagwa.

Zvichitevera kushandura kwebumbiro reZanu PF nenzira iri kupikiswa nevamwe, VaMugabe ndivo vachadoma neMugovera vatevedzeri vavo vaviri pamwe nesachigaro webato iri.

Remangwana raVaMnangagwa richibuda pachena parino vira neMugovera apo VaMugabe vachadoma vatevedzeri vavo vaviri, pamwe nasachigaro webato.

XS
SM
MD
LG