Accessibility links

Breaking News

Vakuru Votashurana muZanu PF VaMugabe Vakanyarara Zvavo


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Kusawirirana mu Zanu PF pamberi pekongiresi yebato iri ichaitwa muna Zvita kuri kuramba kuchienderera vakuru vakuru mubato iri vachikandirana makobvu nematete.

Mushure mekunge gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, vati pakupera kwesvondo sachigaro we Zanu PF mudunhu re Mashonaland West, Va Themba Mliswa, vanga vachishanda nesangano revasori reku America re Central Intelligence Agency kana kuti CIA, Va Mliswa varamba mashoko aya vachiti havana chavanoziva nezve CIA.

Va Mliswa vaudza vatori venhau muHarare kuti chavanoziva chete ndechekuti vakambotaura nemunyori anowona nezvematongerwo enyika pamuzinda we America muZimbabwe, Va Eric Little, vachizeya nyaya dzine chekuita nekusimudzirwa kwenzvimbo ye Hurungwe West yavanomirira muparamende.

Va Mliswa vatorawo mukana uyu kutaura nezvemakakatanwa ari mubato ravo. Vatiwo muzukuru waVa Mugabe, Va Patrick Zhuwao, munhu ari kushandiswa negurukota rezvemvura nezvakatikomberedza, Va Savior Kasukuwere, kuti vabvise Va Mugabe pachigaro pakongiresi ye Zanu PF ichaitwa muna Zvita.

Asi Va Mliswa vati havawoni chakaipa pahutungamiri hwebato ravo chingakonzere kuti huchinjwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaZhuwao pamashoko ataurwa naVaMliswa.

Va Mliswa vatorawo mukana uyu kutsoropodza Va Moyo vachiti ndivo vanoshanda ne CIA sezvo vakamboshandira sangano re Ford Foundation vari ku Kenya vachiti sangano iri rinoshanda ne CIA.

VaMliswa vatsvinyira Va Moyo naVa Kasukuwere vachiti ingochani.

Patavabvunza divi ravo panyaya iyi, Va Kasukuwere vati vanga vari musangano uye vati havana nguva yekutambisa vachitaura zvinhu zvisina maturo.

Hatina kukwanisa kubata Va Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutungamiri weZanu PF, Va Robert Mugabe, pavakadzoka munyika vachibva ku New York kwavanga vachipinda musangano we United Nations General Assembly, vakati bato ravo richatora matanho kune vari mubato ravo vari kukonzera kusawirirana mubato.

Va Mugabe vakati hukuru hwemunhu mubato ravo hunowonekwa nekushandira zvinhu zvinosimudzira hupenyu hweveruzhinji kwete kuzvitutumadza.

Mu Zanu PF mune kunetsana pakati pezvikwata zviviri zviri kurwira masimba mubato iri.

Chimwe chikwata chinonzi chinotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru, chimwe chichitungamirwa nemunyori wezvemitemo mubato, VaEmmerson Mnangangwa.

Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

XS
SM
MD
LG