Accessibility links

Breaking News

VaMliswa: Kupambwa kwaVaDzamara Kosvibisa Zita raVaMugabe


Abducted political activist Itai Dzamara
Abducted political activist Itai Dzamara

Vakadzingwa muZanu PF kuti vasamirire Hurungwe West mudare reHouse of Assembly, VaTemba Mliswa, vanoti kupambwa kwemukuru we OccupyAfrica Unity Square, VaItai Dzamara, kwave kusvibisa zita remutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vanova sachigaro we African Union neSouthern African Development Community pasi zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMliswa vati hazvishamisi kuona VaMugabe vachiratidzirwa pamusoro penyaya yaVaDzamara kumisangano yeSADC neAU.

Vati zviri pachena kuti VaDzamara vakapambwa nevanhu vehurumende uye vanhu vakaita izvi vari kusvibisa zita remutungamiriri wenyika.

Vati vanhu vakaenda kuhondo kuti pave nerusununguko. Vatiwo zvinosuwisa kuti vanhu vatema ndivo vave kushungurudza vamwe vavo.

VaDzamara vakapambwa mumusha weGlen View 7 muHarare masvondo matatu apfuura uye kusvika pari zvino havasi kuzikanwa kuti varikupi.

Masangano akazvimirira, nyika dzekunze dzakaita seAmerica, France, Britain, Canada nedzimwe dziri kushoropodza kupambwa kwaVaDzamara dzichiti hurumende inofanirwa kuita zvose zvainokwanisa kuitira kuti VaDzamara vadzoswe kumhuri yavo vari vapenyu.

Hurumende, kuburikidza nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yakati iri kushushikanawo nekupambwa kwaVaDzamara.

VaMnangagwa vakatiwo mitemo yenyika ichashandiswa zvakasimba mukuranga vachawanikwa vaine mhosva yekupamba VaDzamara.

XS
SM
MD
LG