Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Vokwikwidza Vakazvimirira kuHurungwe West


Temba Mliswa
Temba Mliswa

Vaimbova mumiri weHurungwe West muparamende, VaTemba Mliswa, vazivisa kuti vachakwikwidza sarudzo dzekutsvaga mumiriri weHurumgwe West vakazvimirira.

Vati vane chivimbo chekuti vachakunda musarudzo idzi dzichaitwa mwedzi miviri inotevera sezvo bato reZanu PF risisina rutsigiro nekuda kwenyaya dzehuwori nehumbimbindoga huri kuitwa nevamwe vakuru vakuru mubato iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMliswa vati vanotambira kudzingwa kwavo muZanu PF uye havachafa vakadzokera kubato iri nekuti rarasa gwara.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaCharlese Mangongera, vanoti zviri kutaurwa naVaMliswa nevamwe vakadzingwa mubato iri hazvina maturo vachiti dai vamire pachokwadi vangadai vakabuda vega mubato iri kwete kumirira kudzingwa.

Vanoti chinorwadza vanhu ava inyaya yekuti havachina mikana yekuita mabhizimisi nezvimwe sezvavaita vari muZanu PF.

Sarudzo dzema by-elections dziri kuitwa zvichitevedzwa bumbiro remitemo iro rinoti sarudzo idzi dzinofanira kuitwa mukati memazuva makumi mapfumbamwe kubva panoziviswa kuti dunhu rinenge risisina mumiriri.

Imwe nyanzvi munyaya dzemitemo inoshanda neResearch Advocay Unit muHarare, VaDerek Matyszak, vanoti sarudzo idzi dziri kuitwa zviri kunze kwemutemo sezvo mitemo yesarudzo isati yarongekana sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaLovemore Madhuku, avo vanova sachigaro webato reNational Constitutional Assembly iro riri kupinda musarudzo idzi, vanoti sarudzo dziri kuitwa pamutemo sezvo kurega kudziita zvichireva kuti nzvimbo idzi dzinogara dzisina vamiririri.

XS
SM
MD
LG