Accessibility links

Breaking News

Mitambo Ye Premier Soccer League Yotsvuka Ropa


Dynamos
Dynamos

Chikwata chenhabvu cheChicken Inn chotatarika panguva iyo zvikwata zviri kuchitevera zvamuka chibhibhenenga.

Muganhu pakati pechikwata ichi nezvikwata zviri kurwisa kuibvisa panyanga waderera kusvika pamapoinzi mana kubva pamapoinzi manomwe mushure mekunge Chicken Inn yakadamburwa 1-0 pamusha neDynamos kuBarbourfields kuBulawayo nemusi weSvondo.

Chicken Inn iri kuramba iine mapoinzi makumi mana nemapfumbamwe zvikwata zviri kuteverwa zvinoti FC Platinum neDynamos zviine mapoinzi makumi mana nemashanu mushure mekunge FC Platinun yakaita mangange 0-0 neTsholotsho Pirates.

Mamiriro akaita mitambo mukupera kwesvondo ave kuratidza kuti makwikwi emukombe uyu asara pazvikwata zvitatu izvozvi, Chicken Inn, FC Platinum pamwe neDynamos.

Asi mutsigiri weDynamos vaMaurice Magaranzou vanoti mukombe wave wavo kwemakore mashanu akateverana.

"Nematambiro akaita vakomana aiwa mukombo wadzoka nekuti tainga tasara chaizvo zvekuti kudzoka kwainga kuchazotinetsa," anodaro Magaranzou. "Zvedu zvaita. tinohwina chete."

Asi VaProsper Muzanharwo vanoti maonero avo ari kuratidza kuti mutambo uri pakati pemaGame Cocks neKugona Kunenge Kudada ndiwo ucharatidza kuti achahwina mukombe ndiyani sezvo mazuva opindana.

Chiri kunakidza ndechekuti Chicken Inn neFC Platinum dzichasangana kuMandava Stadium pane mimwe yemitambo yasara.

Chimwe chiri kunakidza zvekare ndechekuti zvikwata zvese zvitatu zviri pamusoro zvichasangana zvekare neHarare City.

Harare City yacho yakaita mangange 0-0 neTriangle ndokuwira pasi kusvika pachinhanho chechitanhanhatu.

Asi munhandare yeNational Sports Stadium makave nekuimba pamwe nekutamba mumusha weCaps United mushure mekunge chikwata chavo charova Highlanders 3-1.

Kukunda uku kwasiya Caps United yave pachinhanho chechishanu, poindi imwechete pasi peTriangle uyezve mapoinzi maviri pamusoro peHarare City.

Mimwe mitambo yakapera seizvi.

Flame Lilly 0 ZPC Kariba 1

Chapungu 4 Buffaloes 1

Dongo 0 Hwange 1

Whawha 0 How Mine 0

Toenda mumutambo wekiriketi.

Chikwata cheZimbabwe chakatadza kufadza vatsigiri vacho mushure mekunge chatadza kukunda mumutambo wacho wekutanga weT20 nePakistan muHarare Sports Club nezuro.

Chikwata ichi chaitarisirwa kukunda mushure mekunge chaderedza Pakistan kusvika pamaranzi zana nemakumi matatu nenhanhatu chete.

Asi ivo havana kukwanisa kusvika ipapo mushure mekukwanisa kunwisa maranzi zana nemakumi maviri nematatu, ndokukundwa nemaranzi gumi nematatu.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvekare munhandare imwecheteyo mangwana.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG