Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Ndira 4, 2016


Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti richaona mangwana kuti nhengo dzaro dzichaenda here kubasa, ndokana mari dzavo dzaiswa mumabhanga avo.

Mapurisa anorova zvose nekusunga nhengo dzeRural Teachers Union of Zimbabwe pamwe neZimbabwe Activists Alliance, mushure mekuratidzira dzichitsigira kusaenda kwevashandi kumabasa sezvo vasati vatambiriswa mari dzemwedzi waZvita.

Studio7 inopinda muzvipatara ichiona mamiriro akaita zvinhu panguva iyo vashandi vehurumende vakawanda vasiri kuenda kubasa vachichema nerekuti Havana mari dzekufambisa.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Ndira 4, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG