Accessibility links

Breaking News

Meron Wudneh (Ethiopia) Anotora Mukombe we2014 Miss Africa - USA


Muzvare Meron Wudneh, uyo akaberekerwa kuEthiopia, ndiye akasarudzwa kuva tsvarakadenga yakanakisisa pamakwikwi e 2014 Miss Africa - USA.

Zimbabwe yakanga yakamirirwa naMuzvare Yolanda Grace Yona, uyo asina kukwanisa kuwana mubayiro.

Makwikwi aya akaitwa neMugovera pa Strathmore Theatre muBethesda, Maryland. Guta reBethesda riri makiromita mashona kubva muWashington DC.

Akatora nzvimbo yepiri ndi Muzvare Hasifa Kivumbi, uyo anobva kuUganda.

Kivumbi akateverwa na Hilda Akua Frimpong wekuGhana.

Muzvare Joy Kalemera wekuTanzania ndiye akatora nzvimbo yechina, ukuwo Lily Ogechi wekuNigeria, ndiye akatora nzvimbo yeshanu.

XS
SM
MD
LG