Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Mighty Warriors Yokweshana neCameroon neSvondo


Zimbabwe Mighty Warriors
Zimbabwe Mighty Warriors

Chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chatarisana nemutambo mukuru muhupenyu hwacho, zvekuti veruzhinji vari kuda kuti Zimbabwe ikunde kuitira kuti ipinde munhoroondo yemitambo munyika.

Hapana chimwe chiri kutarisirwa neveruzhinji kunze kwekukunda apo maMighty Warriors ari kupinda munhandare yeRufaro Stadium neSvondo mumutambo wavo mukuru kupinda yose kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kukwikwidza mune zvemitambo nedzimwe nyika.

Chikwata chenhabvu chevanhukadzi ichi chiri kusangana nemaIndomitable Lionesses ekuCameroon mumutambo ucharatidza kuti Zimbabwe iri kukwanisa kubudirira here kana kuti kwete kuenda kumakundano makuru ezvemitambo epasi rose emaOlympic Games ayo achaitirwa kuRio de Janeiro gore rinouya.

MaMighty Warriors akarohwa 2-1 apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana muYaounde masvondo maviri apfuura asi vari kungoda kukunda 1-0 chete kuti vabudirire kuenda kumabiko emitambo epasi rose aya.

Vakabudirira kuenda kumakundano aya, ma Mighty Warriors anoita chikwata chechipiri mumakore makumi matatu nemashanu kukwikwidza kumakundano aya zvichitevera magolden hockey girls a 1980.

Asi maMighty Warriors anopinda munhoroondo sechikwata chekutanga kukwikwidza nekubudirira kuenda kumakundano aya sezvo mahockey girls akaenda kuMoscow mushure mekukokwa zvikwata zvashota kukwikwidza.

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaZivanai Moroyiwa, vanoti vanonokerwa nemutambo uyu vachiti ivo maMighty Warriors achafadza veruzhinji nekuita zvatadzwa kuitwa nechikwata kana chimwe chete zvacho pamakore makumi matatu nemashanu apfuura.

Muteveri wechikwata che Caps United, VaTonderayi Matimura, vanoti vachitarisa matambiro akaita maMighty Warriors apo zvikwata izvi zvakasangana masvondo maviri apfuura, vane chivimbo chekuti maMighty Warriors anodzora pamwe nekukunda zvekare.

VeZimbabwe Football Association vaona kukosha kwechaunga mumutambo uyu zvekuti varonga ivo kuti veruzhinji vabhadhare mari inoita iyo dhora rimwe chete rekuona mutambo wakakosha uyu.

Muongorori wezvemitambo, VaAndrew Rwodzi, vanoti vanhu vakawanda vachange vari munhandare iyi sezvo dhora iri mari yekuti munhu wese anokwanisa kubhadhara kuti aone mutambo wakakosha uyu.

Va Matimura vanoti vachange varimowo munhandare iyi sezvo dhora iri mari isingavaremere pane madhora matatu ayo anomboshevedzerwa neveZifa.

Murairidzi wechikwata ichi, Shadreck Mlauzi, avaka chikwata chakasimba zvikuru chinosanganisa vechikuru pamwe nevechidiki zvekuti ari kutarisira kuti vatambi vakaita sa Rudo Neshamba na Rutendo Machingura vachabaka moto neSvondo pamberi pevatsigiri vavo.

Panguva imwe cheteyo chikwata chemaWarriors chichange chiri muBabourfields Stadium umo chiri kusangana neLesotho mumutambo weAfrica Nations Championship uyo une huremu husingasvika pane mutambo wemaMighty Warriors.

Murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, akadzinga vatambi vatatu Hardlife Zvirekwi na Justice Jangano veCaps United pamwe naRonald Chitiyo weDynamos nenyaya dzehunhubu asi VaMuroyiwa vanoti kunyange zvakadai maWarriors haamise tuzvikwata tudiki twakaita seLesotho.

MaWarrriors ari kutarisira kukunda mumitambo miviri iri kusangana zvikwata zviviri izvi kuti akwanise kuenda kumafainari eAfrica Nations Championships kechina kakateverana mushure mekuenda kumakundano a2009, 2012, na 2014.

Asi maziso nepfungwa dzeveruzhinji dziri pamutambo wemaMighty Warriors.

XS
SM
MD
LG