Accessibility links

Breaking News

Young Warriors ne Mighty Warriors Dzosimudza Mureza weNyika Mumakwikwi emuAfrica


Zimbabwe Mighty Warriors
Zimbabwe Mighty Warriors

Chikwata che Young Warrirs, pamwe neche Might Warriors, zviri kupinda munhandare mukupera kwesvondo zvichisimudzira mureza wenyika mumakwikwi enhabvu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chakananga kuAbidjan kuIvory Coast uko chiri kunosanga nemaElephants mumutambo wemunzira yekuenda kuma 2016 Olympic Games.

MaMighty akadzoka mugadziriro nezuro mushure mekuramwa basa neChitatu nemhaka yekusabhadharwa asi nezuro vaive vadzoka munhandare.

Nhengo yeWarriors Fan Club, VaTinashe Mutetwa, vanoti nyaya dzekusabhadhara vatambi idzodzi ndidzo dzinoita kuto zvikwata zvikundwe.

Asi muongorori wezvemitambo, VaFarai Kambamura, vanoti veruzhinji vasanyanyotarisa zvekuramwa basa izvi sezvo zvisiri zvitsva munhabvu yemunyika.

VaKambamura vanoti maMighty Warriors anokwanisa kunoita zvisiri kutarirwa nevanhu kunoita mangange kana kutonokunda.

Panguva imwe cheteyo maYoung Warriors ari muRufaro Stadium apo vari kusangana neSouth Africa mumutambo we2015 Africa Youth Championships.

MaYoung Warriors ane vatambi vakawanda vakakuvara uyezve South Africa yacho ine mukurumbira munhabvu yevechidiki.

Asi muteveri weHarare City, VaMisheck Chisaga, vanoti hakusisina zvikwata zvidiki munhabvu yemuAfrica

Zimbabwe ikakwanisa kukunda mumitambo miviri iyi inobudirira kuenda kuma Youth Championships ayo achaitirwa kuSenegal

Zvikwata zvichakunda kumaAfrica Youth Championships zvinoenda kuma

2016 Olympic Games ayo achaititirwa kuRio de Janeiro muBrazil.

XS
SM
MD
LG