Accessibility links

Breaking News

Amai Michelle Obama Vopa Tarisiro Kune Vechidiki muAfrica


Michelle Obama
Michelle Obama

Mudzimai wemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, Amai Michelle Obama, vanoti vechidiki muAfrica vanofanirwa kushanda zvakasimba kuitira kuti remangwana ravo rive rakanaka.

Vachitaura pamusangano weYoung African Leaders Initiative muWashington neChitatu, Amai Obama vati vechidiki vanofanirwa kutora matanho akasimba mukugadzirisa remangwana rakanaka.

Vatiwo mukuita izvi, kodzero dzevanhukadzi dzinofanirwa kuremekedzwa, vachiti ivo vanofara kuti vakakurira mumhuri yaivaremekedza. Vatiwo vanhukadzi vanofanirwa kushanda zvakanaka nevanhurume kuitira kuti vanhurume vanzwisise kukosha pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhukadzi.

Vati kuva netarisiro yeremangwana rakanaka chinhu chakanaka uye vanhu vanofanirwa kuzvisunungura.

Amai Obama vapa nhoroondo yehupenyu hwavo nemhuri yavo kudzamara vazopinda muWhite House zvinhu zvakanga zvisingafungidzirwe kuti zvingaitwe.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe changa chiri pamusangano uyu, VaTaurai Chinyamakobvu, vanoti vadzidza zvakawanda kubva pamashoko Amai Obama.

VaChinyamakobvu vanoti vari kudzokera kumusha vaine pfungwa itsva zvichitevera mashoko Amai Obama ayo avabata zvikuru.

Hurukuro naVaTaurai Chinyamakobvu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG