Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinorohwa kuZhombe neMasoja


MDC-T inoti nhengo dzayo dzarohwa nemauto ange akapakatira pfuti apo dzange dziri pamusangano waitirwa kuZhombe mudunhu re Midlands North.

Mumiriri we Zhombe muparamende, Va Rodgers Tazviona, vanoti vatsigiri vanosvika makumi masere vakuvadzwa pa Empress Business Centre.

VaTazviona ndivo vange vachikokera musangano uyu. Va Tazviona vanoti pane vamwe vatsigiri vavo vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi zvichitevera kurohwa kwavaita, uye vamwe vavo vatoendeswa kuchipatara.

Mhirizhonga iyi inonzi yasvitswa mumaoko emapurisa, asi hapana ati asungwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remasoja nemapurisa panyaya iyi.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kukwira mumatunhu akaita seMasvongo, Midlands neMashonaland East, uko vatsigiri veMDC vanoti vari kufuviswa nenhengo dzeZanu PF.

Mukupera kwesvondo, dzimba mbiri dzenhengo dzeMDC dzakapiswa muGutu West kuMasvingo.

NeChishanu chapfuura motokari yeMDC inonzi yakapiswa kuShamva nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG