Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anozvindikita Pamwe neKusunga Nhengo dzeMDC-T muHarare


Dzimwe nhengo dze MDC-T dzasungwa mu Harare neMuvhuro mushure mekurohwa zvakaipisisa nemapurisa ayo azvindikitawo mutori wenhau dzemifananidzo zvichitevera kuratidzira kwaitwa nevechidiki vebato iri vachigunun’una nenyaya yekushayikwa kwemabasa munyika.

Nhengo dzeboka revechidiki mupurovhinzi ye Harare dzaungana panosangana migwagwa inoti Jason Moyo Avenue na Julius Nyerere Way ndokutanga kuratidzira dzichifamba nemuna Julius Nyerere Way.

Mapurisa anga akapakatira zvombo abva akomberedza varatidziri ava pavasvika pana Nelson Mandela Avenue ndokuzvindikita varatidziri ava nemboma.

Mapurisa aya atorera varatidziri ava zvinyorwa zvavanga vakatakura achingovarova chete.

Zvimwe zvenyorwa izvi zvanga zvakanzi “Mugabe tipe mabasa edu izvozvi”. Kurohwa kwaitwa vanhu ava kwaitwawo apo Va Mugabe vari kumusangano we SADC uyo wapera neMuvhuro ku Victoria Falls.

VaMugabe ndivo sachigaro mutsva weSADC kwegore rose.

Vazhinji vevaratidziri ava vapunyuka ndokuita tsoka ndibereke vachiita zvokuti aziva kwake aziva kwake uku vakatsvomwa nemapurisa anodzivirira mvongamupopoto.

Vawona kuti vatadza kubata vamwe vevaratidziri ava, mapurisa abva abata mutori wenhau dzemifananidzo uye achishandira bepanhau re The Zimbabwe Mail, Angela Jimu, ndokumuita kanyama kanyama vachimurova nemboma nekune rumwe rutivi vachimubvutira nharembozha yake pamwe nemuchina wake waanoshandisa pakutora mifananidzo.

Sachigaro wevechidiki ve MDC-T mupurovhinzi ye Harare, Va Shakespeare Mukoyi, avo vanga vari mumwe wevaratidziri ava, vaudza Studio 7 kuti havasati vanyatsoziva kuti vanhu vasungwa vachiratidzira vangani kunyange hazvo mashoko azobuditswa nebato iri achiti pane nhengo dzevechidiki nhanhatu dzasungwa.

Meshure mekusunga kwaaita vamwe vevaratidziri ava pamwe nemutori wenhau uyu, mapurisa azongotanga kusungasunga vanhu vanga vari pedyo nepanga pachiratidzirwa mudhorobha asi hazvisi kunyatsozivikanwa kuti vanhu vasungwa ava vangani.

Vechidiki ve MDC vanga vachiratidzira ava vazoungana zvakare pamuzinda webato ravo pa Harvest House pavatanga kuratidzira zvakare kwemaminitsi mashomanana vasati vazoparara.

Va Mukoyi vati vacharamba vachiratidzira kudzamara vawaniswa mabasa.

Pavaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakavimbisa mabasa matsva anodarika mamiriyoni maviri. Asi VaMukoyi vanoti hapana mabasa matsva ati avepo.

Pataenda pamhepo, nhengo dze MDC-T dzasungwa idzi dzanga dzichiri dzakachengetwa pamakamba ye Harare Central uye hatisati taziva kuti vapomerwa mhosva ipi.

Angela Jimu azoregedzwa achienda kumba kwake.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati vanga vasina kusununguka kutaura nezvenyaya iyi sezvo vanga vachiti vari muchikoro.

Zvichakadai, sangano re Media Institute of Southern Africa-Zimbabwe, kana kuti Misa-Zimbabwe, rashora zvikuru kurohwa kwaitwa Angela Jimu.

Misa-Zimbabwe yakurudzirawo komiti yakaumbwa nebazi rinowona nezvekuburitswa kwemashoko, ye Information and Media Panel of Inquiry, kuti iite musangano nemukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, vakurukure kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vatori venhau nemapurisa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG