Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yocherechedza Zororo reMagamba Isina Kubatana neZanu PF


Bato reMDC T rinoti richabatana nenyika nemusi weMuvhuro mukucherechedza zuva remagamba, kunyange hazvo risiri kuzonoungana nevamwe kumarinda anovigwa magamba e Heroes Acre.

Hurongwa hweHeroes Day huri kuitwa neMuvhuro.

Mutauriri we MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rinoremekedza zvikuru vakarwira nyika yeZimbabwe, asi rinopokana chete nevanotora zuva remagamba iri seravo, kwete renyika yose.

VaMwonzora vanotiwo bato ravo rinonyunyuta nemasharirwo avanoti ari kuitwa vanonzi ndivo magamba enyika vanovigwa pa Heroes Acre, sezvo zvave zvekutarisa kuti munhu anenge abuda mumba maani.

Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanoti munhu anoradzikwa pamarinda emagamba anofanirwa kuva munhu akarwa hondo uye achiri mugwara remusangano.

VaMugabe vanotiwo bato ravo chete ndiro rine mvumo nemasimba ekusarudza munhu anoitwa gamba renyika.

Asi VaMwonzora vanoti iri ibasa rinofanirwa kuitwa nevanhu vanomirira nyika yose, kwete kuita zvechi Zanu PF chete.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG