Accessibility links

Breaking News

Kuvandudzwa kweBumbiro reMDC-T Kounza Mitauro


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC-T rinoti komiti yanga ichitenderera nematunhu ichinzwa pfungwa dzenhengo dzebato iri pamusoro pezvadzinoda kuti zvive mubumbiro rebato iri, yakapeta basa rayo neChina.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvakaunganidzwa nekomiti iyi, iyo yakanga ichitungamirirwa nemutevedzeri wasachigaro webato iri, VaMorgen Komichi, zvichasvitswa ku national executive yebato iri.

Bato iri riri kuita kongiresi yaro muna Gumiguru, apo panotarisirwawo kuvandudzwa kwebumbiro iri muchiiswa pfungwa ndinenge dzatambirwa.

Asi pasati patambirwa zvakabva muvanhu izvi, patove nemakakatanwa pamusoro pezvimwe zvakabva muvanhu, izvo zvinonzi zviri kukonzera kusawirirana mubato iri.

Nyaya hombe dzinonzi dzakonzeresa kusawirirana uku ndedzekuda kudzikisa masimba emunyori mukuru webato iri, pamwe nekuwanza masimba emutungamiri webato.

Imwe yakonzeresa mutauro inonzi inyaya yekuti bato iri rive nevatevedzeri vemutungamiri vaviri, sezviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Mamwe matunhu akatobuda kare pachena achiramba pfungwa idzi, kunyange hazvo kuine vamwe mubato vari kutsigira kuvandudzwa kwebato nenzira idzi.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG