Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoita neMugovera Misangano Miviri Yakakosha


VaMorgan Tsvangoirai
VaMorgan Tsvangoirai

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kuita neMugovera misangano miviri yarinoti yakakosha zvikuru.

Misangano iyi inonzi ndeyekutarisa pamwe nekutambira zvisungo zvakabuda pamusangano waro wekongiresi wakaitwa mukupera kwaGumiguru.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti bato ravo richatanga nemusangano weNational Council, iyo ichatarisa mafambiro akaita kongiresi, pamwe nekushara nhengo dzichapinda mu National Executive Committee.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzeNational Council dzinobva muhutungamiri hwebato kubva mumatunhu madiki kusvika matunhu makuru pamwe nehutungamiri hwakasarudzwa pakongiresi.

Mushure mekudomwa kwenhengo dze National Executive, komiti iyi inotarisirwa kubva yagarawo yodoma vanyori vemapazi akasiyanasiyana vanenge vachimirira bato iri.

Musangano uyu ndewekutanga kubva pakaitwa kongiresi iyo yakaona VaTsvangirai vachidzoserwa pachigaro chavo. Vakadzoserwa zvakare pazvigaro vanosanganisira mutevedzeri webato, Muzvare Thokozane Khupe, sachigaro webato, VaLovemore Moyo nevamwe.

Akaita rombo rakaipa pakongiresi iyi munyori wezvemisangano, VaNelson Chamisa, avo vakakundwa naVaDouglas Mwonzora pachigaro chemunyori mukuru.

Vakaitawo mhanza yakanaka mutauriri mutsva webato, VaObert Gutu.

Kongiresi iyi yakavandudzawo bumbiro rebato iro riri kupa mutungamiri webato masimba ekudoma munyori wezvesarudzo kuti ave nhengo ye National Standing Committee.

XS
SM
MD
LG