Accessibility links

Breaking News

MDC Renewal Team Yoita Kongiresi Muna Nyamavhuvhu?


Bato reMDC Renewal Team raramba mashoko ekuti riri kukundikana kuita musangano waro mukuru wepagore wekutanga, uyo waifanirwa kuitwa mukupera kwaChikunguru.

Vakafanobata chigaro chevanoona nezvesarudzo mubato iri, VaSettlement Chikwinya, vanoti chiri kuitika chete kuendeswa mberi kwemazuva achaitwa musangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti izvi zviri kuitwa nekuda kwekushaya nzvimbo yakatambanuka yekuitira musangano uyu. Vanotiwo musangano wakaita sekongiresi unoda mari yakawanda iyo bato ravo richiri kutsvaga kubva kunhengo dzaro.

Bato iri rinoda mari inosvika mazana matatu ezviuru zvemadhora kuitira kuti musangano uyu ubudirire.

VaChikwinya vanotiwo bato ravo rine hurongwa hwekutsvaga zita idzva rekuti ringe rave kushandiswa pachaitwa sarudzo dza 2018, senzira yekuti vatsigiri vavo vave nechivimbo nebato ravo.

XS
SM
MD
LG