Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorovana neVechidiki veMDC-T Varatidzira muHarare


Vechidiki veMDC-T vanoratidzira vachiti Dzamara ngaaburitswe muhupambwa. (Photo By Thomas Chiripasi)
Vechidiki veMDC-T vanoratidzira vachiti Dzamara ngaaburitswe muhupambwa. (Photo By Thomas Chiripasi)

Mapurisa arovana nenhengo dzeboka revechidiki ve MDC-T vanga vachiratidzira mu Harare vachiti vanoda kuti mutungamiri wesangano re Occupy Africa Unity Square, VaItai Dzamara, vasunungurwe muhupambwa mavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki ve MDC-T vanga vachidarika mazana matatu varatidzira kubva pamahofisi ebato ravo pa Harvest House kusvika kuparamende vachiti vanoda kuti Va Dzamara, avo vanonzi vakapambwa mumusha we Glen View muno mu Harare nemusi weMuvhuro, vasunungurwe nevakavapamba.

Varatidziri ava, avo vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiya-siyana, vaudza nhengo dzeparamende dzanga dzichipinda muparamende dzinosanganisira nhengo dzeZanu PF pamwe nebato ravo kuti havasi kuzoregedza kuratidzira uku kudzamara VaDzamara varegedzwa nevakavapamba.

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Mugabe bata imbwa dzako”.

Sachigaro weboka revechidiki mu MDC-T, Va Happymore Chidziva, vati hurumende inofanira kuburitsa Va Dzamara kubva muhupambwa vachiti zviri pachena kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevatevedzeri vavo vanoti Va Emmerson Mnangangwa naVa Phelekezela Mphoko, vane chekuita nekupambwa kwaVa Dzamara.

Mumwe wevaratidziri ava, Va James Chidhakwa, vati vanhu vazhinji vave kutyira kuchengetedzeka kwavo munyika nokudaro zvave kutoda kuti vanhu vatore matanho akasimba.

Panga pobva varatidziri ava paparamende vasvika panosangana migwagwa inoti Second na Nelson Mandela, mapurisa anga akapakatira zvombo anga achifamba nemotokari yakavhurika kumashure abva aburuka mumotokari ndokutanga kurova varatidziri ava zvabva zvaita kuti varatidziri ava vatange kudzosera mapurisa aya nematombo.

Studio7 yaonawo mapurisa aya achirohwa uye ave kutiza mumwe wemapurisa aya atsvuka hembe yose neropa ukuwo vechidiki ve MDC-T vachiita rutsokandibereke vachiita aziva kwake aziva kwake.

Asi Va Chidziva varamba mashoko ekuti varatidziri ava varova mapurisa vachiti ivo ndivo vatorohwa.

Mapurisa anga akapakatira zvombo azoswera akakomba pamuzinda weMDC-T pa Harvest House achirambidza veruzhinji kupfuura nepamuzinda uyu.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vaudza Studio7 parunhare kuti mapurisa arohwa asi vakurudzira kuti vanhu vaite zvinhu murunyararo. Vakurudzirawo veruzhinji kuti vape mapurisa mukana wekufererefeta nyaya iyi.

Zvichakadai, muzinda weAmerica muZimbabwe waburitsa mashoko ekuti hurumende ye America iri kushushikana zvikuru nekupambwa kwaVa Dzamara. America yakurudzira kuti hurumende inyatsoferefeta nyaya iyi uye kuti kodzero dzaVa Dzamara dziri mubumbiro remitemo yenyika dzichengetedzwe.

Mamwe masangano akaita se Amnesty International, Zimbabwe Peace Project pamwe ne Zimbabwe Human Rights NGO Forum aburitsawo mashoko enyunyuto nekupambwa kwakakaitwa VaDzamara

XS
SM
MD
LG