Accessibility links

Breaking News

Dare: Hurumende Ngaiferefete Kurohwa Kwakaitwa Amai Bunjira veMDC-T


Dare ramejasitiriti remu Harare rakomekedza hurumende kuti iferefete kurohwa kwakaitwa nhengo yeparamende ye MDC-T pamwe nedzimwe nhengo dzebato iri pakuratidzirwa kwakaitwa nevechidiki vebato iri mu Harare neMuvhuro.

Komekedzo iyi yaitwa apo nhengo dzeMDC-T nhanhatu pamwe nemutori wenhau anoshanda akazvimirira vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti vachipomerwa mhosva yekutadzisa motokari pamwe nevanhu kufamba zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nevechidiki vebato iri neMuvhuro.

Mutongo wedare, Va Douglas Chikwekwe, vatura mutongo wekuti hurumende iferefete kurohwa kwakiatwa nhengo dze MDC-T idzi, idzo dzinosanganisira nhengo yeparamende ye MDC-T vakapinda muparamende zvekudomwa nebato ravo kana kuti proportional representation, Amai Ronia Bunjira.

Gweta revasungwa ava, Va Obey Shava, vaudza dare kuti Amai Bunjira pamwe nevamwe vavo vese vavakasungwa pamwe chete navo vakarohwa zvakaipisa vari mumawoko emapurisa.

Amai Bunjira vanzi vakakuvara musoro uye vakazvimba zvidya uye vasungwa vese vakakuvara zvakaipisisa zvekuti mumwe musungwa anga achitadza kugara mumwe achibvinina ropa pagumbo.

Muchuchisi wenyaya iyi, Muzvare Barbara Ndoro, vati hurumende haina dambudziko nekuti vasungwa ava varapwe vari muhusungwa uye vati vasungwa ava vanogona kunge vakarovana vari kukamba yemapurisa.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Danmore Tshuma, akasungwawo pachiitiko ichi icho chakarovesawo mumwe mutori wenhau anoshanda ku The Zimbabwe Mail, Angela Jimu.

Va Shava vati Tshuma akakuvara musana nemawoko uye vati vasungwa ava vanogona kufa kana vakasarapwa nekukasika.

Va Chikwekwe vati chikumbiro chekuti vasungwa ava vatongwe vachibva kumba chichanzwikwa neChitatu sezvo vati nguva yanga yapera kuti chikumbiro ichi chinzwikwe neChipiri.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, re Amnesty International, rashora kushandiswa kwechisimba kwakaitwa nemapurisa.

Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wesangano iri mu Southern Africa, Va Noel Kututwa, vaudza Studio 7 vari ku South Africa kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanofanira kushandisa chigaro chavo chitsva chehusachigaro hwesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, SADC, mukusimudzira kodzero dzevanhu mu Zimbabwe pamwe nedzimwe nyika dziri mu SADC.

Vechidiki ve MDC-T vakazvindikitwa nemapurisa pavairatidzira mu Harare vachiti vanoda kuti Va Mugabe vazadzise dama ravo pavaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera rokuti vachawanisa vanhu mabasa anodarika mamiriyoni maviri.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG