Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvina Zvosangana muMbada Diamonds neMugovera neSvondo


highlanders
highlanders
Vatsigiri venhabvu svondo rino vachambokanganwa nezvemitambo yeCastle Lager Premier Soccer League vachitevera makuwerere ariko eMbada Diamonds Cup, ayo achatambwa neMugovera neSvondo.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri venhabvu zviri kutarisirwa kuzadza nhandare kuMandana nekuNational Sports Stadium uko kuchange kune makuwerere emakwikwi eMbada Diamonds Cup semi finals pakati peHighlanders neHarare City neMugovera, ukuwo Caps United ichikweshana neHow Mine neSvondo.

Chiri kuita kuti mitambo iyi inyanyonakidza ndechekuti kuri kusangana zvikwata zviviri zvemuBulawayo zvichitamba nezvikwata zviviri zvemuHarare.

Izvi zviri kureva kuti zvikwata zviviri zvemu Bulawayo kana zviviri zvemuHarare zvinokwanisa kusangana mumakwikwi ekupedzisira zvikakwanisa kubudirira mumitatambo iyi.

Zvimwe zvinokwanisa kuitika ndezvekuti chikwata chimwe chete kubva muguta rega rega ndizvo zvingangobudirira kurwira mukombe uyu uyo une mari inoita iyo miriyoni yemadhora.

Zvakamira zvakadai. VePremier Soccer League varonga mitambo yavo vakananga kuti mitambo yeMbada Diamonds Cup yasara isatambwe musi mumwe chete zvekuti zvikwata zveHighlanders neHarare City ndizvo zviri kusimudzira hondo kuMandava Stadium mangwana.

Sachigaro we Harare City, VaLesley Gwindi, vanoti kunyange Highlanders yakambovarova 2-0 mumutambo we PSL, iko zvino inorara chete.

Murairidzi weHarare City, Bigboy Mawiwi, anotiwo havasi kana kumbovhundutsirwa nemutsindo weHighlanders.

Asi mutevedzeri wasachigaro we Highlanders, VaMixen Mpofu, vanoti pazvikwata zvina zvasara mumakundano aya, chinoroveka nyore iHarare City.

Nhoroondo inoratidza kuti kubva Harare City yapinda mu PSL, haisati yamborova Highlanders, kunze kwekuita mangange.

Pamutambo uri kuNational Sports Stadium nesvondo pakati peCaps United neHow Mine, zvikwata izvi zvakasangana munhandare imwe cheteyo masvondo maviri adarika, How Mine ikarohwa 1-0.

Chief Executive Officer weCaps United, VaJoe Makuvire, vanoti sekuziva kwavo nhandare yeNational Sports Stadium ndiyo ichavapa raki rekukunda.

Mutevedaer wemurairidzi weCaps United, Brenna Msiska, anoti vari kutarisira kukunda nezvibodzwa zvakawanda.

Asi munyori mukuru weHow Mine, VaMlondoloza Nkomo, vanoti vanoremekedza Caps asi havaitye.

Asi mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, Va Chris Romario Musekiwa, vanoti vachitarisa zvikwata zvasara, zvakasimba zvakafana, uye hazvisi nyore kudoma zvikwata zvichasvika mufainari.
XS
SM
MD
LG