Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reHuman Rights Watch, HRW, rinoti nyaya yekuvandudza dare remakurukota yaitwa nehurumende yeZanu PF munongedzo wemashura achazoonekwa kumberi zvikuru munyaya dzekuzotyorwa kwekodzero dzevanhu.
Mumashoko aburitswa nesangano iri kuvatori venhau, HRW inoti chisungo che Zanu-PF chakabuda pakongiresi chekuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakwikwidze musarudzo dzemuna 2018, munongedzo wekuti hapana zvinhu zvichachinja munyika.
Sangano iri rinotiwo kudomwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika kuchatopawo kuti zvinhu zviipe munyaya dzezvekodzero dzevanhu, sezvo nhoroondo yaVaMnangagwa isina kunaka.
VaMnangagwa vanonzi mumwe wevanhu vaitungamira muhurumende mumhirizhonga yezvematongerwo enyika yeGukurahundi iyo yakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa kuMatabeleland neMidlands.
Munguva iyi VaMnangagwa vaiva gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika.
HRW inotiwo iri kuona hurumende ichienderera mberi ichishandisa nzira dzekumbunyikidza vanhu.
Chipangamazano chesangano iri kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanotiwo vamwe vari kudzingwa vange vari kudivi raAmai Joice Mujuru, vanhu vari nani panyaya dzekuchengetedza kodzero dzevanhu.