Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomiswa Kudzinga Vanhu paManzou Farm


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Dare repamusoro ramisa mapurisa kuramba achienderera mberi nekudzinga vagarI vepapurazi re Arnold Farm riri ku Mazowe rinonzi ranga richida kutorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutongi wedare repamusoro, Amai Erica Ndewere, vati mapurisa ambomira zvekudzinga vanhu vanogara papurazi rinozivikanwa nezita rekuti Manzou Farm kudzamara hurumende yavawanira pekugara.

Vachitura mutuongo wavo, Amai Ndewere vati hurumende inofanira kupa vanhu ava pekugara isati yavadzinga sezvinotaurwa nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Gweta riri kumirira Va Leonard Mukoore nevamwe vavo vakapwanyirwa dzimba dzavo papurazi iri svondo rapera, Va Tonderai Bhatasara, vanoti vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

Vatiwo vanotarisira kuti hurumende itevedzere zvaturwa nedare.

Hurumende yanga yaudza dare kuti ine imwe nzvimbo yayakapa vanhu ava kuti vagare asi izvi hazvina kugutsa dare.

Sabhuku wenzvimbo iyi, Va Enock Shuwa Kanakembizi, avo vakapwanyirwa dzimba dzavo nemapurisa svondo rapera, vanotiwo vanotambira zvaturwa nedare vachiti hupenyu hwevanhu papurazi apa hwanga hwava kuvaomera.

Va Kanakembizi vanoti vanga vave kunyimwa zvinhu zvakawanda zviri kugoverwa vanhu zvakafanana nemafotereza uye vave kutarisirawo kuti vana vavo vachakwanisa kutanga kuenda kuzvikiro izvo zviri kuvhurwa neChipiri.

Vagari vepapurazi iri vanoti vakanzwa kuti mudzimai wemutungamniri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vane rimwe purazi pedyo nepaManzou vaida kutora purazi iri kuti vachengetere mhuka.

Asi gurukota rinowona nezvinoitika mudunhu reMashonaland Cetral, Va Martin Dinha, vakaudza bepanhau re Herald kuti Amai Mugabe havana chekuita nekudzingwa kwanga kuchiitwa vanhu papurazi iri vachiti puraz iri rakagara rakaiswa parutivi nehurumende kuti richengeterwe mhuka.

Zvisinei, hurumende yakagarisa vanhu ava papurazi iri pasi pechirongwa chekugarisa vanhu patsva muna 2000 asi vanhu ava vanga voda kudzingwa vasina kupihwa pamwe pekugara izvo zvarambwa nedare nhasi.

Gweta ranga rakamirira mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, gurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi, pamwe neggurukota rinowona nezveminda, Va Douglas Mombeshora, ndiVa Tymon Tabana

XS
SM
MD
LG