Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekurapa Pachena Chosiya Vanhu Vachinyemwerera kuManicaland


Mutare
Mutare

Chirongwa chavana chiremba vekuIndia vanga vachibatsira vanhu pachena mudunhu reManicaland chapera neChitatu mushure mekunge vanhu vanosvika mazana masere vabatsirwa kurapwa zvirwere zvakasiyana siyana.

Chiremba mukuru mudunhu reManicaland, Amai Patron Venge Mafaune, vanoti vana chiremba vekuIndia gumi nevapfumbamwe vakakwanisa kuita maoparesheni anokwana chiuru nezana rimwe chete, uye hapana zvinetswa pamaoparesheni ose akaitwa aya. Vana chiremba ava vaitarisirwa kuita maoparesheni mazana masere, asi vanhu vakazowandisa sezvo vakanzwa kuti paiva nerubatsiro rwepachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chiremba Mafaune vanoti vana chiremba ava vakabatsira veruzhinji vange vachishaya mari yekurapwa, uye kufambira vanachiremba vachibva kunzvimbo dziri kure.

Mumwe wevakayamurwa panguva iyi kuno kwaMutare, VaGabriel Mabota, vanoti vanotenda zvikuru nekubatsirwa kwavakaitwa sezvo vainetsekana nechirwere chemoyo, vachishaya mari yaidiwa kuti vazovhiyiwe.

VaLovemore Dzinamarira mumwe wevakabatsirwa. VaDzinamarira vakaita tsaona nemudhudhudhu masvondo maviri apfuura vari pabasa vakatyoka gumbo mutsaona iyi.

Chiremba akabatsira VaDzinamarira, Dr Rajan Sharma, vanoti VaDzinamarira vachadzokera kubasa mumazuva mashoma ari kutevera sezvo vanenge vapora.

Mumwe mugari akaita rombo rakanaka rekurapwa pachena, VaPfungwa Chakandinakira, vanoti vange vasina mari yekuti varapwe.

Vana mazvikokota ava vanga vachitungamirwa Dr Rajiv Pradhan, uye vanga vari muZimbabwe vachiita basa ravo kubva musi wa 3 kusvika 13 Chivabvu.

Vana chiremba ava vaishandira vari muzvipatara zvinoti Mutare Provincial Hospital, Nyanga District Hospital uye nepaSakubva District Hospital, pasi pechirongwa cheRotary Medicare Project Vocational Training Team to Zimbabwe.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushaya vana chiremba vane hunyanzvi vanoshandira muzvipatara zvikuru zvehurumende, uye vanhu vakawanda havana mari dzekuti varapwe sezvo zvinhu zvakaoma munyaya dzehupfumi.

XS
SM
MD
LG