Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voonekana naVaMandela


Vanhu vatanga kuona mutumbi wevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, pamahofisi ehurumende pa Union Buildings mu Pretoria.

Yange iri nguva inorwadza chose apo vanhu vemuSouth Africa vamira mumitsetse vachipinda mu Union Buildings kunoona mutumbi waVaMandela kekupedzisira.

Mutumbi waVaMandela uchange uri paUnion Buildings kusvikira musi weChishanu.
Mutumbi wavo watakurwa kubva ku 1 Military Hospital uchiendeswa kuUnion Buildings.

Mazana evanhu vanosanganisira mapurisa, masoja nevanhuwo zvavo, vange vakamira pedyo nemugwagwa apo motokari dzange dziine mutumbi waVaMandela dzichidarika.

Pasvika mutumbi waVaMandela paUnion Buildings paita runyararo rukuru, uchingonzwa chete ruzha rwendege dzemapurisa nemasoja dzichitenderera pamusoro pezvivakwa.

Mhuri yekwaMandela ndiyo yapihwa nguva yekutanga yekuona mutumbi wavo.
Mutumbi waVaMandela wange wakachengetwa mubhokisi rine girazi pamsoro, kuiitira kuti uonekwe zvakanaka.

Vatungamiri venyika nevakuru vehurumende ndivo vazvotevera. Mutungamiri weZimbabwe, VaRobert Mugabe, pamwe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe, vamwe vevatungamiri vaonekana nemutumbi waVaMandela.

Vazhinji vachema zvinonzwisa tsitsi sezvo kuona mutumbi waVaMandela, kwaburisa pachena kuti gamba ravo, Nelson Rolihlahla Mandela Dalibunga Madiba, vatoenda zvachose uye havachadzoki.

Mumwe wevaona mutumbi waVaMandela, Muzvare Serah Matlhobogoane, vanoti varwadzikana zvikuru.

Zviri pachena kuti mbiri yaVaMandela, avo vari kuchemwa nepasi rese, haizofi yakanganikwa munhoroondo yepasi rese.

VaMandela, avo vanga vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, vakashaya neChina mushure mekurwara kwenguva yakareba. Vasiya mudzimai, Amai Graca Machel, vana nevazukuru.

VaMandela vari kuvigwa kumusha kwavo kuQunu nemusi weSvondo.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG