Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri Vakawanda Vanoungana muSouth Africa Vachirangarira VaMandela


South Africa Mandela Memorial
South Africa Mandela Memorial
Vatungamiri venyika dzakasiyayana siyana vanodarika zana, kusanganisira vave pamudya ndigere, vaungana munhandare yeFNB kuJohannesburg vachichema kushaya kwevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela.

Vachitaura pagungano iri, mutungamiri weAmerica, Va Barack Obama, vatsanangudza VaMandela semunhu ange akazvipira kushandira nyika yake pasina rurasura.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatiwo VaMandela vakashanda zvikuru mukupedza rusarura rwakaunzwa nehutongi hwevachena kunyika iyi.

Vamwewo vataura pagungano iri varumbidza VaMandela nekuzvipira kwavakaita mukusunungura South Africa kusvikira pachinhano pairi nhasi.

Mutungamiri weZimbabwe, VaRoboert Mugabe, vange varipowo pagungano iri kunyange havo vasina kutaura.

VaMandela, avo vanga vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu, vakashaya musi weChina svondo rapera mushure mekurwara kwenguva refu.

Mutumbi waVaMandela uchaiswa pamahofisi ehurumende kuUnion Buildings kuPretoria kubva Chitatu apo vavhu vese vachawana nguva yekuvaona kekupedzisira.

VaMandela vachavigwawo kumusha kwavo kuQunu, ku Eastern Cape nemusi weSvondo.
XS
SM
MD
LG