Accessibility links

Breaking News

Vakwegura Vonetseka Vari Mudzimba Dzavanochengetwa kwaMutare


Misha inochengetwa vakwegura muZimbabwe iri kusangana nematambudziko ekushaya zvekudya zvinovakwanira, zvekupfeka, zvekufuga munguva ino yechando pamwe nemari yekubhadhara vanoshandira misha iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mudunhu reManicaland misha miviri inoti yeZororai Old People’s Home muSakubva maMutare uye neMakoni Old People’s Home kwaRusape,vakwegura vari kutamba chamutavanhava nekushaya zvinovakwanira.

Ngoma ndiyo ndiyo zvakare kuMashonaland East uko vakwegura vari kudya nhoko dzezvironda.

Mumwe wevakwegura vanosvika gumi nemumwe vanogara pamusha weMakoni Old People’s Home, VaFanuel Chitova, vanoti havana zvipfeko zvinoenderana nenguva yechando ino. Vanoti kana paine anokwanisa kuvabatsira, vangatenda zvikuru.

VaChitova, avo vasingazive makore avo ekuberekwa, vanoti vaimboshanda mumapurazi akapoteredza Rusape asi nehurwere vakazosiya basa vopotera pamusha uyu kunyange hazvo vaine vana vavo avo vachipota vachivashanyira kubva mumapurazi aya.

Mumwe mukweguri anogara paMakoni Old People’s Home, Ambuya Gladys Mutyatya, vanotiwo vanofara nekungoti vane pekugara izvo zviri nani pane kugara musango. Ambuya ava vanoti havachazivi kune vana vavo,uye havana zvakanyanya zvekutaura sezvo vari kuchengetwa.

Vamwe vari kugara pamusha uyu vanoti vakapotera pamusha uyu mushure mekunge mapurazi avaishandira evachena, atorwa nehurumende ichiapa kuvanhu vatema, zvikuru nhengo dze Zanu PF.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa paMakone Old People’s Home,uye vachishanda nesangano re-Family Aids Caring Trust, FACT, VaPortiphar Guta, vanoti musha uyu une matambudziko anosanganisira kushayikwa kwemari yekutenga zvekushandisa, uye kubhadhara vashandi.

VaGuta vanoti rimwe dambudziko guru ravakatarisana naro nderekushaya mishonga yekurapa vagari ava.

Zviri kuitika kuMakoni Old People’s Home zviri kuitikawo paZororai Old People’s Home kuSakubva maMutare.

Mumwe vevakwegura makumi maviri vari kugara paZororai Old People’s Home, VaNelson Langeveldt, vanoti hurumende haisi kukoshesa kodzero dzevakwegura.

Mumwe wevagari pamusha uyu, VaNyameni Dziringindi, vanoti vanoshuvira kuwanirwa twumari twushomanene pamwedzi twekutenga twavanoda mumazuva avo ekupedzisira panyika twakaita sefodya nehwahwa.

VaDziringindi, avo vapofomara nekukwegura, vanoti vanoda kuti vange vaine chinovavaraidza chakaita sewairesi yekuterera kuitira kuti vasapindwe nemweya usina kunaka.

Mukuru wepaZororai Old People’s Home, Sister Blandina Mariko, vanoti pamusha uyu pane matambudziko akawanda anoda kugadziriswa.

Mumwe mukuru musangano reHelp-Age Zimbabwe, VaAdonis Five, vanoti vari kuita hurongwa hwekubudisa pachena zvinetswa zviri kusangana nevakwegura vanogara mumisha iyi kuitira kuti vakwanise kuwana rubatsiro kubva kuhurumende nevamwe vanokwanisa kubatsira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvekugara zvakanaka kuti seyi riri kukundikana kubatsira vakwegura munyika. Asi hurumende inoti iri kutsvaga mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora yekutenga chikafu sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu.

Mu Zimbabwe mune vakwegura vanosvika zvikamu zvitanhatu kubva muzana pahuwandu hwevanhu vose vari munyika.

XS
SM
MD
LG