Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Mazuva Gumi neMatanhatu eKupedza Mhirizhonga Mudzimba


Gender based violence
Gender based violence

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga dzemudzimba paine umbowo hwekuti madzimai nevasikana vanorarama nehurema ndivo vari kushungurudzwa zvakanyanya.

Nekune rimwe rutivi vasikana vakawanda vanogara kumaruwa vanoti vamwe vavo vari kukurumidza kuroorwa nekuda kwekuoma kwehupenyu zvekuti vanotadza kuwana zvekushandisa panguva yavo yekutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Apo Zimbabwe inocherechedza mazuva aya, vana vasikana vanoti vane dambudziko guru rinovashungurudza kuchikoro rekushaiwa zvekushandisa munguva dzavo dzekutevera.

Pagungano rekucherechedza zuva rekurangarira zuva remwanasikana rakaitirwa kuLions Den mudunhu reMashonaland West, sangano rakazvimirira rega, rePamuhacha, rakakurudzira vanasikana kuti vashandise ma sanitary pads ekuzvigadzirira munzvimbo dzavanogara.

Vasikana vakawanda vakanga vari pamhemberero idzi vakafarira kuparurwa kwema sanitary pads anoshandiswa kakawanda mushure mekunge agezwa.

Mumwe musikana weku Alaska, Muzvare Roseline Mamvura, vanoti vave kushandisa masanitary pads ayo anoramba achishandiswa mushure mekunge agezwa vachiti haatori mari yakawanda uye ane hutsanana.

Mumwe musikana anobva kuMurereka, Muzvare Deline Maponga, vanoti zvirongwa zvevanasikana zviri kuvabatsira kuti vazive kodzero dzavo.

Mukuru wePamuhacha, Muzvare Precious Nyamukondiwa, vanoti sangano ravo rakafunga kugadzira ma sanitary pads mushure mekuona kuti vanasikana zvikuru sei vekumaruwa vanoshandisa mapepa nhau ayo asina hutsanana.

Masangano akawanda anoshanda nemadzimai nevanasikana vakanga vari pamhemberero idzi vakati vachaedza nepavanokwanisa kuti mutongo weavo vanobhinya uve wakakura.

Mazuva gumi nematanhatu ekucherechedza mhirizhonga dzemudzimba akatanga neChitatu svondo rino uye kuchapera musiwa 10 Zvita..

Gwaro reUnited Nations Human Rights Council rinoti vana vanosvika mazana maviri memakumi mashanu emamiriyoni pasi rose vanoshungurudzwa vachienda kuchikoro kana kuti vasvika kuchikoro.

XS
SM
MD
LG