Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voda Kusangana neGurukota Ravo


Amai Lucia Matibenga
Amai Lucia Matibenga
Sangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council rinoti rakatumwa nenhengo dzaro kuti risangane negurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, pamusoro pemari dzavo dzemihoro.

Sachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti vabatana naMai Matibenga parunhare, avo vanonzi vati vari kuda nguva yekumbogara pasi nevakuru mubazi ravo.

Hutungamiri hweApex Council hunoti svondo rapera hwakaedza kusangana naMai Matibenga asi vanonzi vakanga vasiri muhofisi mavo.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro, idzo dzakatanga basa neChipiri, hadzisi kuzoshanda nemwoyo wose kusvika dzanzwa zvichabuda kubva mukusangana kwaMai Matibenga neApex Council.

Asi Zimbabwe Teachers Association, Zimta, inoti nhengo dzayo dzichange dzichishanda semazuva ose sezvo hurukuro dzichiri kuenderera mberi.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi anotambira mari yepasi pasi, apiwe mari inoenderana nePoverty Datum Line.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG