Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakashaya Mutsaona muMbizo Stadium Vanoradzikwa muKwekwe


Kwekwe
Kwekwe

Dzimwe hama dzevanhu vakafa mutsaona yakaitika manheru emusi weChina muMbizo Stadium muguta reKwekwe dzinoti dzinoda kuti paitwe ongororo yekuti chii chaizvo chakanyatsoitika musi uyu.

Vamwe vevanhu vakashaya mutsaona yakaitika neChina pagungano rekereke yeProphetic Healing Deliverance Ministries muMbizo Stadium muKwekwe, vashanu vavo vakavigwa neSvondo.

Vatatu vakavigirwa kumarinda eMsasa, vaviri vakavigirwa muMbizo 10 Cemetary.

Vachitaura pakuvigwa kwaTamuka Chivasa uyo aive nemakore mashanu, sekuru vake, VaEdward Nyamayedenga, avo vairatidza kutsamwa, vakati vanoda kuti paitwe ongororo yekuti chii chakaitika kusvika vanhu gumi nemumwe vazorasikirwa nehupenyu hwavo. Vanotiwo vanowanikwa vaine mhosva vanofanirwa kurangwa nemitemo yenyika.

Tete vaTamuka, Amai Felisters Matizanadzo, vanotiwo vanotsigira kuti ongororo iyi iitwe nekuti vanhu vane mibvunzo yakawanda.

Mumiriri weMbizo mudare reparamende, VaSettlement Chikwinya, vanotiwo vachakwidza nyaya yekuti paitwe ongororo iyi mudare reparamende vachiti ongororo yacho inofanirwa kuti iitwe neCommission of Inquiry inenge yakazvimirira yega.

Baba vemumwe mufi, Tendekai Bafana, uyo aive nemakore mapfumbamwe, VaAllen Bafana, vanoti ivo semutenderi wechiKristu vanotambira kuti nguva yekufa kwemwana wavo yaive yakwana, asi vane kugunun'una kwakawanda pamusoro pezvakaitika.

Amai Shupikai Shereni, vanove tete vaWinmore Chikada, uyo akashaya ave nemakore gumi nemaviri patsaona iyi, vanotiwo havawone zvinonyanyobatsira pakuti ongororo yakadaro iitwe vachiti ongororo iyi inogona kuwedzera kurwadzisa hama dzevafi uye hapana zvakawanda zvainochinja sezvo vanhu vakatorasikirwa nehupenyu.

Kanzura we Ward 3 muKwekwe, VaWeston Masiya, vanoti kana ongororo inonzi iitwe iyi ikaitwa, haifanirwe kuitirwa kuti iroverere vanhu asi kuti ipe mazano ekudzivirira kuti tsaona dzakadai dzisazoitika zvekare.

Vachitaura neChishanu mushure mekufa kwevanhu ava, mutungamiri wekereke yeProphetic Healing Deliverance Ministries,VaWalter Magaya, vanonzi vakabatsira mhuri dzine vanhu vakashaya ava nemari inoita chiuru chemadhora pamunhu wega wega semari yekushandisa pakuvigwa kwavo.

Kanzuru yeKwekwe yakapawo marinda pachena, pamusoro pezvo ikapawo mari inoita zana remadhora pamhuri yega yega yakarasikirwa.

Mapurisa anoti haana kukanda zvombo zvehutsi pagungano iri sezviri kufungidzirwa nevakawanda sezvo mapurisa avanotumira pose panoitwa minamato yakadai, vachienda vasina zvombo zvinokachidza sezvo vasingatarisiri mhirizhonga.

Mapurisa anoti chakaputika munhandare iyi raive bhodhoro regasi raishandiswa nemumwe munhu aitengesa chikafu chakabikwa. Asi vamwe vanoti havasi kugutsikana netsanangudzo yemapurisa.

Kunyange hazvo pane maonero akasiyana-siyana panyaya iyi, vamwe vanoti ongororo yetsaona yakadai inogona kubatsira mukunyaradza hama dzevafi mushure mekunge vaziva zvizere zvakaitika musi uyu.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG