Accessibility links

Breaking News

VaJim Kunaka Vobatirwa Midziyo neChikonzi?


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Vaimbove sachigaro vezvechikidi muZanu PF mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, varamba mashoko ari kubuda ekuti vakatorerwa midziyo yavo nechikonzi mushure mekutadza kubhadhara mari inoita zviuru zvina zvemadhora zvavakanzi nedare vabhadhare semuripo kumunhu wavakarova.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaKunaka vanonzi vakarova Va Prince Jack muna 2008.

Asi VaKunaka vanoti chakaitika chete ndechekuti chikonzi chakasvitsa mapepa ekuvazivisa kuti vachatorerwa zvinhu zvavo nemusi weMuvhuro svondo rinouya kana vasina kubhadhara mari iyi.

Vanoti vari kupikisa danho iri uye vatuma magweta avo kuti apikise nyaya iyi kuburikidza nekukwikwidza kudare repamusoro.

Gore rapera dare rakawana vakunaka vaine mhosva yekurova nekukuwadza nhengo yeMDC, VaJack, muna 2008.

Nyaya iyi yakazopinda mudare muna 2009 asi VaKunaka havana kuenda kudare iri, izvo zvakazoita kuti gore rapera dare ripe mutongo wekuti VaKunaka vabhadhare mari iyi.

Asi VaKunaka vanoti havana kumbobvira vawana magwaro aivadaidza kumatare, uye vari kuramba kuti vakarova nekukuwadza VaJack.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehofisi yechikonzi, yaDeputy Sheriff, kanawo kuna VaJack.

XS
SM
MD
LG