Accessibility links

Breaking News

Willard Mashinkila Mahwihwi Khumalo Anoshaya muBulawayo


Mhuri yenhabvu muZimbabwe yapinzwa mukuchema mushure mekushaya kwemutambi wenhabvu aive nemukurumbira munyika, Willard Mashinkila Mahwihwi Khumalo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Khumalo, uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata chenyika cheDream Team, akashaika kuMzilikazi nemusi weMugovera.

Anga ave nemakore makumi mana nemapfumbamwe ekuberekwa.

Khumalo, uyo akaitawo mashiripiti achitambira Highlanders, zvekare akatambira Dream Team iyo yakapotsa yaenda kumakwikwi eWorld Cup a1994 mushure mekutanga kutambira chikwata ichi muna 1992.

Mumwe wevanhu varwadziwa nekushaya kwaKhumalo ndi VaSimon Muchineripi

Mumwe wevari kushushikana netisiya kwaiat Khumalo, muteveri weDynamos, VaDesmond Pahwaringira, avo vanoti Khumalo akaita kuti nhabvu muZimbabwe isimukire zvikuru zvekuti vanofunga kuti angadai akapihwa basa rekubatsira maWarriors.

Muteveri weHighlanders vari muHarare, VaMunazvo Nhandara, vanoti Zimbabwe haife yakawana vatambi vakaita saKhumalo vachitarisa matambiro ari kuita vatambi vaiko zvino.

Zvakamira zvakadai, VaErnest Sibanda, avo vakatamba pamwe chete naKhumalo uyezve vari shamwari yemufi, vanoti vachazivisa neChipiri kuti zvekuradzikwa zvichafambiswa sei.

Khumalo akatora mukombe weligi pamwe nemikombe isingaverengeke apo aitambira Highlanders achitamba nevatambi vakaita saMadinda Ndlovu, Mercedes Sibanda, Peter Nkomo, Titus Majola, Netsai Moyo, nevamwe.

Akazomboenda kuGermany uko akanotambira Bonner SC muBundes liga yechitatu.

Mushure mekuregedza kutamba, Khumalo akarairidza Highlanders, Lancashire Steel, Mwana Africa ndokozomboenda kunorairidza kuBotswana.

Khumalo anga ave maneja wevatambi veHighlanders panguva yekushaya kwake.

Zvakamira zvakdai, mitambo mukupera kwesvondo yapapera seizvi.

Chicken Inn...0 Hwange...0

Dynamos...1 Tsholosto ...1

Caps United...0 Dongo...0

How Mine...0 Triangle...0

Flame Lilly...2 Chapungu...1

FC Platinum...0 ZPC Kariba..0

Hwahwa...1 Highlanders...0

XS
SM
MD
LG