Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vopomerwa Mhosva yeKuzvidza Paramende?


Saviour Kasukuwere
Saviour Kasukuwere

Komiti yeparemende inoona nezvechidiki yakumbira dare National Assembly kuti ritonge gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, nenyaya yekuzvidza dare iri.

VaKasukuwere vanonzi vakatadza kupindura mibvunzo yekomiti iyi apo vakasheedzwa vari gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuzopa humbowo maererano neZimunya Marange Community Share Ownership Scheme iyo isati yatanga kushanda zvisinei kuti yave nemakore akati kuti yaparurwa nemutungamiriri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro wekomiti iyi, VaJustice Wadyajena, vati VaKasukuwere vakazvidzawo komiti yavo nekuvatyityidzira apo vakati zvaiitwa nekomiti iyi zvainge zvakafanana nekuda kupfura nzou nerhekeni.

VaWadyajena vati komiti yavo yaida kuti vavape humbowo hwekuti nyaya yeZimunya Marange yakafamba sei sezvo makambani ese anochera mangoda kwaMarange akaramba kuti ainge avimbisa kupa Zimunya Marange Community Share Ownership Trust mamiriyoni gumi emadhora pakambani imwe neimwe sezvainge zvataura naVaKasukuwere panguya iyi.

VaWadyajena vakumbira dare kuti riumbe komiti ichaongorora VaKasukuwere nenyaya yekuzvidza paramende pamwe nekutyisidzira nhengo dzedare iri dziri mukomiti yavo.

Vati VaKasukuwere vaifanira kupindura mibvunzo chete kwete kuvhundutsira nhengo dzekomiti yavo.

Mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vati vachaongorora chikumbiro chekomiti yaVaWadyajena vasati vapa mutongo wavo.

Ukuwo komiti yeNational Assembly inoona nezvemigodhi nemhando dzemoto yakumbuirawo dare iri kuti ritonge sachagirawo weState Procurement Board, VaCharles Kuwaza, nemhosva yekuzvidza dare mushure mekunge varambawo kupindura mibvunzo kubva kukomiti iyi maererano nezvamatenda aipihwa kumakambani ane chekuita nezvekugayiwa kwemagetsi.

Sachigar\o wekomiti iyi, VaLovemore Matuke, vati pane imwe nguva VaKuwaza vakaudza nhengo dzekomiti iyi kuti dzainge dzisina kurongeka uye VaMatuke vati uku kuzvidza dare iri uye vanoda kuti VaKuwaza vatongwe nedare.

VaMudenda vatiwo vachaongorora nyaya iyi vasati vapa mutongo wavo.

Pasi pemitemo yenyika paramende inogona kugara sedare uye inogona kubhadharisa vanhu kana kuvasungira kuti vazopa humbowo hunenge huchidiwa nedare iri.

Zvichakadai, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vatambira zviri pamutemo nhengo itsva dzebhodi rebhanga guru munyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Mukuru webhanga iri, VaJohn Mangudya, ndivo sachigaro uye vachange vachitevedzerwa namuzvinabhizimisi Amai Rita Likukuma.

Dzimwe nhengo dzebhori iri dzinosanganisira gweta, Amai Virginia Mudimu, VaCornelius Mharadza, VaMike Nyabadza, VaJoel Mutizwa pamwe nedzimwe nyanzvi dzezvamabhanga.

VaChinamasa vati bhodbhi iri rine basa rekushanda nehurumende mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vati bhodhi iri, iro ratotanga basa, rinotarisirwa kuburitsa hurongwa hwaro hwekutanga hwefambisirwo emabasa emari munyika kana kuti monetary policy svondo rinouya.

XS
SM
MD
LG