Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Kushaya kwaVaKagurabadza


VaMisheck Kaguradza. Photo: Kumbirai Mafunda
VaMisheck Kaguradza. Photo: Kumbirai Mafunda

Vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekushaya kwevaimbove meya weMutare, VaMisheck Tofamangwana Kagurabadza.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vanoti kufa kwaVaKagurabadza kunorwadza sezvo vange vakatarisira kuti vaizoramba vachibatsirwa navo kunyange hazvo vange vasisiri nhengo yeparamende mushure mekunge vakakundwa naMuzvare Irene Zindi veZanu PF musarudzo dzemuna 2013.

Mumwe wevagari vekuMutasa South vakabatsirwa nemufi mazuva avenge vari MP wenzvimbo iyi, Amai Lilian Mwamuka , vanoti panguva yavakabatsirwa vakange vaparadzirwa musha mazuva echirongwa cheMurambatsvina vakapihwa pekugara nezvimwe zvekushandisa.

Mumwe mugari wemudunhu iri, Amai Rebecca Chimuka vekuTsvingwe, kuPenhalonga, vanoti vanonzwa kurwadzikana zvikuru nekushaya kwaVaKagurabadza.

VaKagurabadza, avo vange vave nemakore makumi manomwe ekuberekwa, vange vari munyori mubato reMDC-T mudunhu reManicaland.

Mufi ndimuzvinabhizinesi ane chikoro chinozivikanwa nekuti HiTech College maMutare, uye nemumaguta madiki, Rusape neChipinge.

Nhengo yeMDC-T National Council, VaGiles Mtsekwa, vanoti bato ravo rarasikirwa zvakanyanya nekushaya kwaVaKagurabadza.

Munin’ina waVaKagurabadza, VaPaul Kagurabadza, vanoti mufi akangofuma akashaya. Mufi anonzi anga achinetseka nechirwere cheshuga.

Veruzhinji kubva kumapato ezvematongerwo enyika akasiyana-siyana, uye vemachechi vange vari pamba pemufi muPalmerstone vachichema kushaya kwavo.

Mufi, uyo ari kutarisirwa kuvigwa neChipiri kumusha kwavo kuManica Bridge, asiya mudzimai nevana vatatu.

VaKagurabadza vakashanda zvakasimba mukuvambwa kweMDC muna 1999. Muna 2002 vakasarudzwa kuva meya weMutare .

Pakapatsanuka bato iri gore rapera, MDC Renewal ichirambira mahofisi ebato, VaKagurabadza vakaita kuti mahofisi avo ashandiswe neMDC-T.

XS
SM
MD
LG