Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanorumbidza VaKagurabadza Apo Vanga Vachiradzikwa kwaMundenda


Kagurabadza burial in Mundenda
Kagurabadza burial in Mundenda

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, varumbidza mabasa akaitwa nemushakabvu, VaMisheck Tofamangwana Kagurabadza, apo vavigwa kumusha kwavo kwaMundenda, Manica Bridge kuManicaland.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pakuvigwa kwaVaKagurabadza pamberi pemazana nemazana evanhu vaungana kuzoonekana nemufi, VaTsvangirai vati mushakabvu akanga ari munhu akatsiga, uye aive nechinangwa chekuunza shanduko yakanaka muhupenyu hwevanhu vose.

VaTsvangirai vati panguva yakapatsanuka bato ravo, VaKagurabadza vakashingaira nemusangano zvisinei nezvinetswa zvaivepo.

Vati kuita uku kunoratidza kuti vainge vari munhu ane hwaro hwakajeka hwekuti pange paine hutongo hwejekerere munyika.

Vatsanangudza VaKagurabadza semunhu aishuvira kubatana kwevana veZimbabwe kuitira remangwana rakanaka izvo vashaya vachingoita nekuda kwemabasa avo akanaka.

VaTsvangirai vati apo VaKagurabadza vange vari mumiriri weMutasa South, vakaitira vagari vedunhu iri zvakawanda zvakanangana nebudiriro yenharaunda yavo.

Vaimbove mutauriri weMDC-T muManicaland, VaPishai Muchauraya, avo vave nhengo yerimwe boka rezvematongerwo enyika, vatiwo vanoshushikana nekushaya kwaVaKagurabadza avo vati yange iri shamwari yavo.

Mumiriri weMutasa South mudare reparamende, uye vari nhengo yeZanu PF, Muzvare Irene Zindi, avo vange vari pakuvigwa kwaVaKagurabadza, vatiwo mufi yaiva hama yavo, zvisineyi kuti vakakwikwidzana navo musarudzo dzemuna 2013.

Mutevedzeri wemutungamiriri weMDC, Muzvare Thokozani Khupe, vakurudzira vanhu kuti vagamuchire zvavapo uye kufambira mberi vaine tariro.

Vamwe vange vari pakuvigwa kwaVaKagurabadza vanosanganisira munyori mukuru mubato iri, VaDouglas Mwonzora, murongi wemisangano, VaAbednigo Bhebhe, vamiriri veparamende vematunhu akasiyana-siyana, vemachechi pamwe nevagari vemunharaunda.

VaKagurabadza vakashaya vava nemakore makumi manomwe, uye vasiya mudzimai nevana vatatu.

XS
SM
MD
LG