Accessibility links

Breaking News

VaMoyo Vobvunzurudzwa neChina Zvine Chekuita naBaba Jukwa


VaJonathan Moyo
VaJonathan Moyo

Mapurisa anonzi ashevedza gurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, kuti vaende kukamba ye Harare Central neChina mangwanani kuti vazovabvunzurudza nenyaya ya Baba Jukwa.

Kunyangwe hazvo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, varamba kutaura nenzvenyaya iyi, mapurisa ari pedyo nekuferefetwa kwenyaya iyi anoti Va Moyo vakatarisirwa kuti vange vari pakamba iyi ku Law and Order na 9 dzemangwanani sekuvimbisa kwavanonzi vaita pavafonerwa kuti vawuye kumapurisa.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Moyo pachezvavo nezvenyaya iyi.

Nyaya ya Baba Jukwa, avo vanoshandisa zita remadunhurirwa papeji rapadandemutande re Facebook, yakasungisa mupepeti webenhau re Sunday Mail, Va Edmund Kudzayi, pamwe nemukoma wavo Phillip, avo vakamirira kutongwa nenyaya yekuronga zvekupidigura hurumende yaVa Robert Mugabe kubudikidza nekuburitsa mashoko anosvibisa zita rehurumende papeji iri.

Mapurisa anoti ari kuferefeta vanhu vakawanda vari kufungidzirwa kuti vane chokuita na Baba Jukwa.

Asi hazvisati zvanyatsobuda pachena kuti Baba Jukwa chaivo ndiyani.

Mune imwewo nyaya, vaimbova gurukota rezvemari uye vari mukuru ari kutungamira chikwata che MDC Renewal Team, Va Tendai Biti, vakurudzira kuti paitwe musangano wechimbichimbi wemasangano ese ari munyika wakanangana nekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, Va Biti vati hupfumi hwenyika hwaenda kumawere zvekuti zvave kutoda kuti paitwe musangano wechimbichimbi pakati pehurumende, mapato ezvematongerwo enyika nemasangano ese anechekuita nezvehupfumi kuti payedzwe kugadziriswea zviri kunetsa muhupfumi hwenyika.

Va Biti vanoti vakatonyorera hurumende nezvenyaya iyi vawona kuti veruzhinji vangapedzisire vodyanana pamusana pekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Zvichitevera mashoko egurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, ekutsoropodza kushandiswa kwemari yeku America yavanoti ndiyo iri kukonzera kusamira zvakanaka kwehupfumi, Va Biti vati Zimbabwe inofanira kusiyana nemari iyi yotanga kushandisa mari yeku South Africa ye Rand.

Va Biti vakurudzirawo kuti Zimbabwe ichidyidzane zvakanaka nenyika dziri kuchamhembe kwe Africa, dziri mu European Union pamwe ne America kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakatanga kudonha kubva pakatanga hurumende ye Zanu PF chirongwa chekugovera minda kuvanhu vatema.

Va Biti vakurudzirawo kuti kupambwa kuri kuitwa mapurazi kumbomiswa kuitira kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzehupfumi hwenyika.

Vatiwo vanhu vakapihwa minda vanopfanira kupihwa magwaro anoratidza kuti ndivo varidzi veminda kana kuti ma title deeds kuitira kuti vakwanise kutora zvikwereti kumabhanga vagoshandisa ivhu ravanaro zvizere zvinozita kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG