Accessibility links

Breaking News

Paramende yeVechidiki Yotaura Zvinofanirwa Kugadziriswa neHurumende


Zimbabwe Parliament
Zimbabwe Parliament
Nhengo dzeparamende yevechidiki kubva mudunhu reHarare dzaita musangano wadzo wekutanga gore rino muparamende umo dzazeya nyaya dzakawanda dzikakurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko anosangana nevechidiki kuti vave neremangwana rakanaka.

Matambudziko akurukurwa nezvawo anosanganisira nyaya yekuti vechidiki vari kuroorwa nguva isati yakwana, vari kutadza kuenda kuchikoro, vari kushandiswa zviri kunze kwemutemo uye vari kunetseka kutora magwaro ekuzvarwa.

Nhengo dzeparamende idzi dzati pane vana vakawanda vari kutadza kuenda kuchikoro nenyaya yekushaya magwaro ekuzvarwa kwawo uye zvikoro hazvitambiri vana vasina magwaro aya.

Imwe nhengo yedare yati inonzi Kudakwashe yati mahofisi amabharani mukuru wehurumende anoomesera vanenge vachida kutora magwaro aya zvekuti vamwe vanotooona zviri nani kugara vasina magwaro aya.

Dzimwe nhengo dzedare iri dzati hurumende inofanira kudzika mutemo unosungira kuti hapana mwana anobuda muchipatara chaaberekerwa asina gwaro rekuzvarwa uye vabereki vanotadza kutoresa vana vavo magwaro aya vanofanira kurangwa zvakaomarara.

Imwe nyaya yatsviriridza mudare ndeyekushandiswa kwevana zvisiri pamutemo uye nhengo dzedare iri dzaita chisungo chekutungamira chirongwa chekurwisana nedambudziko iri.

Mumiriri weHighfield East, Lindani Moyo, akurudzira vamwe vake nevechidiki vese kumhan’ara kana vachinge vaona panenge pachishandiswa vamwe vavo zviri kunze kwemutemo.

Mumiriri weMbare, Vincent Bakasa, ati vanoshamisika chose kuti hurumende haina zvairi kuita mukupedza dambudziko iri iro vati rapararira nenyika yese.

Izvi zvatsigirwa nemumiriri weSeke South, Juliani Masawi, uyo ati mapurisa haina hany’a nekushandiswa kuri kuitwa vechidiki.

Dare rabvumiranawo kuti hurumende inofanira kuona kuti vana vanorarama nehurema vawaniswa kodzero dzavo richiti pane vana vakawanda vanorarama nehurema vari kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari pamwe nekuti zvikoro zvakawanda hazvina nzvimbo dzinoita kuti vana ava vadzidze zvakanaka.

Gurukota revechidiki rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nemhichina yemazuvano, Kudakwashe Kuzvindiwana, atiwo vana vanorarama nehurema vanofanira kupihwa mukana wedzidza pazvikoro zvavanoda.

Masachigaro emakomiti akasiyana siyana eNational Assembly pamwe nevamiriri vemapazi ehurumende vazopindura mibvunzo kubva kunhengo dzeparamende yevechidiki pamwe nekupawo pfungwa dzawo panyaya dzange dzataurwa nevechidiki ava.

Gurukota rinomirira Harare, Amai Miriam Chikukwa, vati hurumende ichaedza napose painogona napo kugadzirisa matambudziko akatarisana nevechidiki vachiti ndizvo chete zvinoita kuti vave neremangwana rakanaka.
XS
SM
MD
LG