Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Mhuri Dzopona neKupemha kuMakonde


Apo vanhu vakawanda munyika vari kuomerwa neupenyu, dzimwe mhuri kuSadoma kuMakonde mudunhu reMashonaland West dziri kurarama nekutengesa mafuta ekubikisa, matemba pamwe nekurima muriwo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari ava vanoti kunyange hazvo vakawana minda yema A1 pasi pechirongwa chekupa vatema minda, havana kuwana goho rinovakwanira nekuda kwemvura yakanyanya kunaya ikanyudza zvirimwa zvakawanda.

Dzimwe mhuri mudunhu iri dzinoti dzave kurarama nekutengesa mafuta ekubikisa avanonotenga akawanda kukambani yeSteelbase muChinhoyi, pamwe nematemba avanotenga kuKariba.

Amai Sarudzai Katsvenzwa mumwe weavo vari kurarama nekutengesa mafuta ebikisa.

Amai Katsvenzwa vanoti vanopimha mafuta zvichienderana nemari inenge yawana munhu. Vanoti kana munhu asina mari anogona kuvapa chibage.

Mumwe mudzimai anogara muVillage 1 kuSadoma kwakare, Amai Judith Madamombe, avo vane vana vashanu, vanoti vari kurarama nekurima muriwo. Amai Madamombe vanoti vari kukwanisa kupinza vana chikoro nekuwana zvekudya.

Amai Dorcas Ruzani, avo vanogara mudunhu iri, vanotiwo vari kuwana mari yekubhadharira vana vavo mari yechikoro mushure mekutengesa mbudzi yavakatenga nemari yekutengesa muriwo.

Amai Ruzani vanoti vanowana mari inosvika madhora makumi maviri pasvondo.

Gogo Chenai Murota vanoti vakadzokera pabasa ravo rekusona nhumbi kuitira kuti vakwanise kuwana mari yekurarama pamwe nevazukuru vavo vaviri. Gogo Murota vari kuchengeta vazukuru vavo, vana vemwana wavo akafa makore mashanu apfuura.

Imwe shirikadzi, Amai Misery Shokora, avo vane vana vatanhatu, vanoti hapana chavari kuwana muminda, izvo zvinozopa kuti vaite pfungwa dzekutenga zvinhu vachizvozvitengesera muvagari vemunharaunda yavanogara.

Vagari vedunhu iri vanoti kunyange zvavo vakapiwa minda, veruzhinji vavo vanoti vave kurarama nekuita mamwe mabasa asineyi nezvekurima sezvo hupenyu huri kuvaomera zvikuru.

XS
SM
MD
LG