Thursday, May 23, 2013 Local time: 23:38

Nhau

Hurumende Yoshorerwa Kutadza Kurwisa Huwori

Multimedia

Audio
TEXT SIZE - +
Jonga Kandemiiri

Sangano rinorwisa huwori munyika, reTransparency International Zimbabwe, riri kushora zvikuru hurumende yemubatanidzwa nekwarati kukundikana kuparadza huwori sekuvimbisa kwakaita mapato ari muhurumende iyi paakanyorerana pasi chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement.

Mukuru wesangano iri muZimbabwe, Muzvare Mary-Jane Ncube, vati huwori  hwave dambudziko guru munyika, uye hurumende haina zvairi kuita padambudziko iri, kunze kwekushandisa nyaya iyi mune zvematongerwo enyika.

Muzvare Ncube vati huwori, uhwo vati hwakanyanya muchipurisa nekumahofisi amabharani mukuru wenyika, kwaRegistrar General, ndicho chigutsa chikuru munzira yekuti nyika ibude mumatope mairi, uye panoda kuzvipira kukuru mukugadzirisa dambudziko iri.

Vatiwo kusatorwa kwematanho nehurumende kwaitawo kuti chirwere ichi chipararire kune dzimwe nzvimbo dzambenge dzakachena dzakaita sei bazi rezvedzidzo netsika.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook