Accessibility links

Breaking News

Chenjerai Hove Anorangarirwa Zvine Mutsindo muHarare


Friends gather to remember the late award winning writer, Chenjerai Hove
Friends gather to remember the late award winning writer, Chenjerai Hove

Vanyori, vana nyanduri, vaimbi pamwe nehama neshamwari dzemushakabvu, VaChenjeral Hove, kubva mativi mana enyika, dzakasangana muHarare nemusi weMugovera manheru dzichipemberera hupenyu hwavo pamwe nemabasa avo munyaya dzekunyora mabhuku nenhetembo.

Paive nemufaro mukuru kuQueensade Sports Club uye mhuri yaVaHove inoti yakafara zvikuru kuti shamwari dzavo pamwe nevamwe vavaishanda navo vakaronga mutambo wakadai uyo vakati wakabudirira zvikuru.

Mudzimai wamuchakabvu, Amai Tekla Hove, vakatsanangura murume wavo semunhu aive nerudo nemhuri nebasa rake uye vanoti vanotenda chose kuti vakadzisisa vana vavo uye vanokwanisa kurarama pasina dambudziko kunyange baba vavo vasisipo

Amai Hove vakati chimwe chinonyanyovafadza rudo rwakaratidzwa neshamwari dzemurume wavo nevamwe vavaishanda navo uye vati izvi zvinoratidza kuti vakasiya vadyara rudo.

Mmwe mwana VaHove, Tanatswa, akaudza Studio7 kuti baba vake munhu aive nerudo uye izvi zvakaratidzwa nekuuya nehuwandu kwakaita vanhu, vanyori, shamwari dzavo, vaimbi nevanhuwo zvavo kumutambo wekupemberera hupenyu hwavo nekuvarangarira.

Mumwe mwana wavo, Tafadzwa, akatiwo mafariro aita vanhu neMugovera ndozvaigara vachiita nebaba vavo uye zvinorwadzo kuti havasisipo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaOkay Machisa, avo vakaridzawo mimhanzi pamutambo wekurangarira VaHove, vanoti vakaona zvakakodzero kunge varipowo sezvo VaHove vaive mumwe wevanhu vakavamba sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights.

VaMichael Mabwe, avo vanoitawo nhetembo dzekukurudziro kodzero dzevanhu, vanoti vanorangarira VaHove nemabasa avo uye mabasa avo ndivo akaitawo kuti vapinde mumabasa ekusimudzira kodzero dzevanhu.

Munyori wesangao rinomirira vanyori reZimbabwe Writers Association, Memory Chirere, akati mutambo wekurangarira VaHove wakafamba zvakanaka uye zvinoratidza kufamba kwavaiita nevamwe vavo.

Vamwe vanyori, vaimbi nananyanduri vakapinda mumutambo weMugovera vanosanganisira, David Mungoshi, Conte Mhlanga, Shimmer Chinodya, Virginia Phiri, Hope Masike nevamwe.

VaHove vaive nemukurumbira uye vakahwina mibairo yakwanda yekunyora mabhuku. Mibayiro iyi inosanganisira we Noma Aaward for Publishing in Africa. Vakashayikira kuNorway munaChinkunguru uko vange vave kugara muhupoteri.

Asi vakazochengetwa kumusha kwavo kuGokwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG